Accessibility links

Breaking News

Kambani yekuChina Yoramba Kuripa Mushandi Akadimburwa Minwe Ari paBasa?


Collen Guvi
Collen Guvi

Vamwe vashandi vari kuchemachema kuti vamwe varidzi vemakambani ezvizvarwa zvekuChina vari munyika vari kutyora kodzero dzavo vachivashandisa senhapwa asi hurumende pasina zvairi kuita kuvabatsira.

Mumwe mushandi akakuvara ari pabasa ari kuti haana kupihwa muripo wakakwana ndiVaCollen Guvi vaishandira kambani inonzi Galaxy Plastics yemuHarare.

VaGuvi vanoti vakaguma votobhadhara voga mari dzekurapwa sezvo mukuru wekambani yavo akatsika madziro.

Asi mukuru wekambani iyi, VaXieng Ha, vaudza Studio 7 kuti vakabhadhara mari kuna VaGuvi.

Vatumira Studio 7 magwaro avanoti anoratidza kuti vakabhadhara mari inosvika madhora mazana mana kuburikidza nesangano reZimbabwe Federation of Trade Unions musi wa14 Kubvumbi.

Asi VaGuvi vanoti hapana mari ine musoro yavakawana sezvo yakawanda yakaenda kusangano revashandi.

Vanoti vakuru vekambani iyi vari kuramba kuvapa mukana wekutaura navo.

Tabatawo munyori mukuru wesangano reZFTU, VaKenias Shamuyarira, nezvezvichemo zvevashandi pamamwe nemakambani ane varidzi vanobva kuChina.

VaShamuyarira vati vashandi vari kushanda pane mamwe makambani evanobva kuChina vari kushungurudzwa zvakanyanya uye vati nemusi China hurumende, masangano evashandi nevashandirwi nenhengo dzeparamende vachashanyira kambani yeSunny Yi Feng Tiles yekuNorton iyo inonzi iri kutyora kodzero dzevashandi zvakanyanya.

Asi kambani iyi inoti hachisi chokwadi kuti iri kutyora kodzero dzevashandi ichipomera ZCTU mhosva yekuda kuti vashandi vaipandukire.

Mumashoko kuvatori venhau, muzinda weChina muZimbabwe wakatiwo ZCTU iri kuda kukanganisa kudyidzana kwayo neZimbabwe.

Asi munyori mukuru werimwe ZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti kodzero dzevashandi dziri kutyora nevakawanda zvikuru makambani ekuChina vakati hurumende haisi kuratidza chido chekuda kugadzirisa zvichemo zvevashandi.

Gurukota rezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, vaudza Studio7 kuti hurumende iri kuzviziva kuti pane vamwe vakuru vemakambani ekuChina vari kutyora kodzero dzevashandi uye kusaripa vanenge vakuvara vari pabasa.

Vati dare remakurukota rakatoudzwa nemutungamiri wenyika kuti makambani ose kusanganisira ekuChina anofanira kuremekedza kodzero dzevashandi vakayambira kuti vanenge vasingatevedzeri mutemo vanosungwa kana kuvharirwa makambani avo.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG