Accessibility links

Breaking News

Makurukota eZimbabwe Opinda Mumisangano Yezvemari kuAmerica


Gavhuna veReserve Bank Doctor John Mangudya

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, pamwe negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa nemukuru webhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vari muNew York mavari kupinda misangano yezvekukwezva vemabhizimisi kuti vazodyara mari dzavo kuZimbabwe.

Doctor Mangudya vati vari kuenderera mberi nemharidzo yemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa yekuti Zimbabwe yakavhurika kuita mabhizinesi, kana kuti “Zimbabwe is open for business”, vachiti hurumende yakavandudza mitemo yekuita mabhizinesi nayo munyika.

Vatiwo vari kukoka nyika dzese, kwete China chete kuzodyara mari munyika.

Vatiwo Zimbabwe ine mikana yezvicherwa zvakawanda zvakaita segoridhe, zvekurima uye kushanyirwa.

Uyu hausi musangano wekutanga wemhando iyi sezvo mumwedzi wapfuura hurumende yakatumira nhume zvakare kuBritain kumusangano wakafanana neiwoyu wainzi ZimNdaba 2018.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muAmerica zvabva kunzvimbo dzakasiyana siyana kuzopindawo mumisangano iyi nemakurukota akabva kumusha aya.

Mumwe wevanga vari mumisangano iyi VaSolomon Tembo, vanoti tarisiro yevazhinji ndeyekuti vanzwe kuti zvii zviri kuitwa nehurumende mukuedza kugadzirisa zvinhu munyika, kuitira kuti vanoda kuzosima mari dzavo munyika vasanetseke nekuita izvi, uye kuwana rubatsiro kubva kuhurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG