Accessibility links

Breaking News

Kambani ye De Beers Inoramba Kuti Yakaba Mangoda kwaMarange


Mukuru we International Relations ve De Beers, Va Andrew Bone, Studio 7 kuti zviri kutaurwa nehurumende manyepo kuti vakaba mangoda nekuti havana mangoda akatorwa nekambani yavo payayiita ongororo iyi.

Kambani huru inochera mangoda ye De Beers yaramba mashoko ekuti yaitora mangoda ekwa Marange munguva iyo yaiva nerezinesi rekuongorora nzvimbo yekwa Chiadzwa kana yaive nemangoda.

Svondo rapera gurukota re zvicherwa, Va Obert Mpofu, nemutevedzeri wavo, Va Gift Chimanikire, vakati De Beers yakatora mangoda mazhinji kwa Marange ichinyepera hurumende kuti ivhu ravaitora kuendesa kunze kwenyika, raishandiswa mukuita ongororo chete.

Izvi zvakapa kuti hurumende iumbe komiti yenyanzvi kuita ongororo. Asi mukuru we International Relations ve De Beers, Va Andrew Bone, Studio 7 kuti zviri kutaurwa nehurumende manyepo nekuti havana mangoda akatorwa nekambani yavo payayiita ongororo iyi.

Vati kambani yavo yaiva nerezinesi rekuva kwaMarange kwemakore gumi asi yakagara kwemakore maviri chete mushure mekunge yaona kuti mangoda ekwa Marange handiwo avanoda kana kuti ma kimberlite anowanikwa pasi pasi.

Vati De Beers yakaona kuti kwaMarange kune mangoda epamusoro kana kuti alluvial, izvo zvakapa kuti ibude kwaMarange muna 2006 pakazouya kambani ye African Consolidated Resources, iyo yakazodzingwa nemasoja.

Va Bone vati hurumende inofanira kuburitsa humbowo hunoratidza kuti De Beers yakaita zvisiri pamutemo.

Va Joy Mabenge ndivo mukuru webazi Democracy ne Governance musangano re Institute for Democratic Alternatives for Zimbabwe. Vati hapana zvisina kujeka zvakaitika munguva iyo De Beers yaiva kwa Marange izvo vati zvinozivikanwa chete nehurumende yaVa Mugabe ne De Beers nekuti vakati chibvumirano chavo muchivande.

XS
SM
MD
LG