Accessibility links

Basa Rokutsvaga Achatora Basa reMuchuchusi weNyika Rosvika paDanho rePamusoro


VaJohannes Tomana

Kubvunzurudzwa kweavo vanoda basa rokuita muchuchusi mukuru wenyika kwapera nhasi mangwanani apo vanhu vese vapiwa mukana wekutsanangura kuti sei vachikodzera kupiwa basa iri.

VaRay Goba, avo vakafanobata basa iri, vanonzi vakanetsekana zvikuru kutsanangura pamberi peJudiciary Services Commission nyaya yavo yekuwanikwa vaine mhosva kuNamibia kwavakamboshanda.

VaCharles Chinyama, avo varikudawo basa iri, vanonzi vakanetsekawo pakutsanangura kuti basa iri vangariita zvakanaka here sezvo vakambowanikwa vaine mhosva dzokusamiririra vanhu zvakakwana, kusabhadhara vavaisevenza navo uye kunzwana nemunhu wechikadzi wavaimiririra.

Vamwe vanhu vakabvunzurudzwa vanosanganisa vaMisheck Hogwe, vaWilson Manase, amai Tecler Mapota, vaPeter Mafunda uye amai Florence Ziyambi.

Muzvare Belinda Chinovava, gweta rinoshanda neZimbabwe Lawyers For Human Rights, anoti muchuchusi mukuru wenyika anofanira kuve munhu asina kwaakarerekera uye anoita basa rake asina waanonyara.

“Bvunzurudzo yakaitwa zvakanaka chose nezuro. Vanhu havana kunetseka kupinda kunozvionera nokuteerera zvakange zvichiitika mukati umo.”

Muzvare Chinovava akapamidzazve achiti, “Zvavaifanirwa kuita zvirimubumbiro remitemo ndizvo zvavakaita. Zvese zvirikuitwa nenzira yakanaka.”

Pavanhu vese vakabvunzurudzwa, pachabuda mazita evanhu vatatu chete achapiwa kumutungamiri wenyika kuti vasarudze wavanoda pavatu ivavo.

VeJudiciary Services Commission ndivo vange vachibvunzurudza vanhu ava muHarare uye anenge abudirira achapihwa basa rakasiiwa navaJohannes Tomana avo vakadzingwa basa vachipomerwa mhosva dzehuwori nedzimwe nyaya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG