Accessibility links

Breaking News

JOMIC Inoshora Kupondwa kwaVaMagura kuMudzi


Komiti iri kuona nezvekutevedzwa kwechibvumirano cheGlobal Political Agreement, GPA, inoti vatungamiriri vehurumende yemubatanidzwa vanofanira kukomekedza mapurisa kuti aite basa rawo nemazvo pose panenge paitwa mhirizhonga yezvematongerwo.

Boka reJoint Monitoring and Implementation Committee, JOMIC, inoti mapurisa akaita basa rawo nemazo, munyika munoita runyararo.

Vachizivisa vatori venhau zvakabuda muongororo yakaitwa neJOMIC zvichitevera mhirizhonga yakaitika kuMudzi pakafa nhengo yeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaCephas Magura, JOMIC inoti kunyange hazvo iri kuumba makomiti ekuunza runyararo pamwe nekugara zvakanaka kwevanhu mumatunhu ese munyika, runyararo harugoni kuvepo kana mapurisa asiri kusunga vanokonzera mhirizhonga.

Sachigaro wekomiti inoona nezvekufambiswa kwebasa muJOMIC mwedzi waChikumi, Muzvare Tabhita Khumalo, veMDC-T, vati makomiti eJOMIC ari kushanda nesimba asi pane dambudziko rekuti mamwe mapurisa haasi kuita basa rawo nemazvo.

Muzvare Khumalo vanoti vemapato ezvematonegerwo enyika vanofanira kusiyana nenyaya dzekushandisa mhirizhonga pakutsvaga rutsigiro.

Mumiriri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube mukomiti iyi, VaFrank Chamunorwa, vatiwo kunyange hazvo vatungamiriri vehurumende yemubatanidzwa vakataura kuti vanhu vasiyane nenyaya dzemhirizhonga, chinotodiwa ndechekuti vanofanira kufamba nyika yese vachiita misangano pamwe chete kuitira kuti vanhu vagutsikane kuti vakuru ava havachada zvemhirizhonga zvechokwadi.

Vachitaurawo pamusangano uyu, Muzvare Oppah Muchinguri veZanu PF vati zvakakosha kuti vanhu vemuZimbabwe vashande pamwe chete vachiti nyaya dzekupomerana mhosva handidzo dzinounza runyararo munyika.

Vasvorawo kuita kwenhengo dzebato ravo kuMashonaland East vachiti hutungamiriri hwemapato ese ari muhurumende kuMashonaland East, hunofanira kudzidza kubva kune mamwe matunhu uko vanhu kubva kumapato ese vave kushanda pamwe chete mumabasa akasiyana siyana.

Vachitaurawo pamusangano uyu, vange vakamirira Zanu PF kuMashonaland East, VaStephen Chiurayi, vashora kufa kwaVaMagura pamhirizhonga yakaitika kuChimukoko kuMudzi vachiti izvi hazvifaniri kuitika zvakare.
JOMIC yazivisawo kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuMudzi uye yati iri kuronga misangano pakati pemapato ese munzvimbo iyi kuti vanhu vakwanise kugarisana.

VaMagura vakafa mushure mekutenwa nematombo nevanhu vanofungirwa kuti vatsigiri veZanu PF. Kusvika pari zvino pane vanhu vanomwe vakasungwa vakatomiswa mudare nenyaya yekupondwa kwaVaMagura.

JOMIC yashorawo chikwata chiri kushungurudza vagari vemuHarare, cheChipangano vachiti mapurisa anofanira kusunga nhengo dzechikwata ichi sezvo mapato ese ari muhurumende ari kuti haana chekuita nechikwata ichi.


JOMIC yatiwo inotsigira chisungo cheSouthern Africa Development Community, pamusangano wayo svondo rapfuura, chekuti munyika munofanira kuitwa sarudzo kana chibvumirano cheGPA chatevedzwa zvizere.

Muzvare Muchinguri vati zvinosuwisa kuti mapato ese ari muhurumende haasi kuremekedza kana kuita zvaakatsidza kuita muGPA.

Vati zvizhinji zvinodiwa kuitwa muGPA zvakaita sekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, zvingadai zvakapera kare kuitwa dai mapato ari muhurumende airemekedza nguva dzakatarwa muGPA.

XS
SM
MD
LG