Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuitika muAmerica

Nhoroondo yaVaJoe Biden

Joe Biden
Joe Biden

Vaimbove mutevedzeri wemutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vebato reDemocratic Party, vari kukwikwidzana nemutungamiri wenyika, VaDonald Trump musarudzo dzichaitwa musi wa3 Mbudzi, vari kukwikwidza kechitatu musarudzo yekuenda kuWhite House, asi rwendo rwuno vari mumiriri weDemocratic Party kekutanga musarudzo yemutungamiri weAmerica.

Kana vakakunda, uye vakagadzwa muna Ndira anotevera, VaBiden vanoita mutungamiri weAmerica wechimakumi mana nematanhatu. Apa vanenge vava nemakore makumi manomwe nemasere ekuberekwa, mutungamiri wekutanga ane makore akadai, vachidarika VaTrump avo vane makore makumi manomwe nemana.

VaBiden vagara vachitaura mumwedzi yose yavange vari kutsvaga rutsigiro kuti vari kutsvaga kupedza hutongi hwaVaTrump.

"Tiri kurwira hunhu hweAmerica," VaBiden vanodaro padandemutande ravo rekutsvaga rutsigiro. "Iyi inguva yekuyeuka kuti tiri vanaani. Tiri vanhu vemuAmerica: Takasimba, uye hatiori moyo, asi tizere neremangwana rakanaka. Ino inguva yekubata munhu wese zvine chiremera. Inguva yekuva nevashandi vanoshandira budiiriro yenyika yose. Inguva yekurwisa kusashandiswa zviri pamwero kwemasimba uko tiri kuona. Inguva yekutarisisa zvakadzama pamwe nekutondera kuti zviuya mberi."

VaBiden vanoshoropodza VaTrump vachiti mutungamiri asina kukodzera munyika ine hutongo hwakasununguka, vachiti "Inguva yehutungamiriri hwunoremekedzwa pasi rose uye hutungamiriri hunokudzwa muno muAmerica."

President Donald Trump and Vice President Mike Pence stand on stage during the first day of the 2020 Republican National Convention in Charlotte, N.C., Monday, Aug. 24, 2020. (AP Photo/Andrew Harnik)
President Donald Trump and Vice President Mike Pence stand on stage during the first day of the 2020 Republican National Convention in Charlotte, N.C., Monday, Aug. 24, 2020. (AP Photo/Andrew Harnik)

Panguva iyo pasi rose riri kutatarika nepamusana pedambudziko reCoronavirus, kutsvaga rutsigiro kwaVaBiden mumazuva ekutanga muna Chikunguru, kwanga kusina kufanana nedzimwe sarudzo dzemutungamiri weAmerica mumakore ano. VaBiden vanga vachitsvaga rutsigiro vari pamba pavo mudunhu ravo reDelaware, dzimwe nguva vachimbopinda muguta guru redunhu reDelaware, reWilmington, pamwe neguta riri pedyo, rePhiladelphia mudunhu rePennsylvania, vachitaura pamwe nekuzeya gwara ravo vari muzvikwata zvidiki zvevanhu

VaBiden vakaita musangano mumwe chete chete nevatori venhau mukati memwedzi mitatu sezvo vange vasingade kuita magungano makuru ekutsvaga rutsigiro nekutya kubata kana kubatsira kupararira kwe coronavirus kana vanhu vakawanda vakaungana kuzonzwa vachitaura.

Budiriro neNhoroondo yaVaBiden:

Mushure mekupedza zvidzidzo paUniversity of Delaware neSyracuse Law School, VaBiden, avo vaive nemakore makumi maviri nemapfumbamwe, vakave mugore ra 1972 mumwe wevechidiki kusarudzwa kuve nhengo yedare reSeneti muAmerica. Asi masvondo mashoma vasarudzwa, vakasangana nenjodzi huru. Mudzimai waVaBiden Neilia nemwanasikana wavo aive negore rimwe aberekwa, Naomi, vakafa mutsaona yemotokari panguva yekutanga kweKisimusi. VaBiden vakambofunga kusiya chigaro chavo muSeneti kuitira kuti vachengete vamwe vana vavo vaviri, vose vari vanakomana, asi vakatanga kushandisa chitima zuva nezuva kuenda kubasa kuWashington. Chitima ichi chaitora maminitsi makumi mapfumbamwe kuenda nekudzoka, izvo vakaramba vachiita kwematemo matanhatu vari mudare reSeneti.

Makore akawanda mushure mekufa kwemukadzi wavo wekutanga, VaBiden vakasangana uye vakazoroora muzvare Jill Jacobs Tracy, uyo aida kuve mudzidzisi, uye aine mwanasikana wake akaberekwa muna 1981.

VaBiden vambokwikwidza musarudzo yekutsvaga anomirira bato reDemocratic Party musarudzo yemutungamiri weAmerica muna1987 na2007, asi havana kubudirira.

Mushure mekunge VaBiden vabuda musarudzo yekutsvaga achamirira bato ravo muna 2007, vaivewo mukwikwidzi, VaBarack Obama vakazokumbira VaBiden kuti vave mutevedzeri wavo. Vaviri ava vakakunda musarudzo yemutungamiri weAmerica dmuna 2008, uye vaviri ava vakasarudzwa zvakare muna 2012, izvo zvakapa kuti VaBiden vashande semutevedzeri waVaObama kwemakore masere.

Gwara Rinobata Zviri Kunze kweAmerica:

Vari mudare reSeneti, VaBiden vaive nhengo yekomiti yakakosha yeSeneti inoona nezvekudyidzana vakashanda kaviri sasachigaro wayo. Vari mukomiti iyi, VaBiden vakapikisa hondo yePersian Gulf War muna 1991, asi vakavhotera kuti America ipinde zvichisimba muIraq muna 2003. Vakatsigira kupindira kwemauto emuAmerica pamwe neeNATO muBosnia muna 1994. Vachiri kushanda semutevedzeri waVaObama, VaBiden vakabatsira kuumba gwara reAmerica pane zvaiitika muIraq, kusanganisira kubviswa kwemauto emuAmerica muna 2011. Vakatsigirawo kupindira kwakaita mauto eNATO muLibya muna 2011.

VaBiden vakabata mamwe mabasa akakosha mumakore avo vari muSeneti, kunyanya mukugadzira mabhiri ekurwisa kuparwa kwemhosva, kusanganisira kubhanwa kushandiswa kwezvombo mudzimba kwemakore gumi kusvika 2004 asi mutemo uyu hausati wavandudzwa. Vakatsigira mitemo inoomesera vanopara mhosva dzakaipa, danho ravakati chinjeyi muhurongwa hwavo hwekukwikwidza sarudzo yemutungamiri wenyika gore rino. Iye zvino vanoti "vanhu vakawandisa vari mumajeri muAmerica - uye vazhinji vavo vanhu vatema nevanhu vane ganda rebhurauni."

VaBiden vanoti vanoti vatora mutemo unochengetedza madzimai kuti asashungurudzwe weViolence Against Women Act semutemo wakakosha zvikuru wavakabatsira kuti uvepo uyo vanoti vakabatsira matare maviri emuAmerica kuti udzikwe.

Former vice-president and Democratic presidential nominee Joe Biden (L) and Senator from California and Democratic vice presidential nominee Kamala Harris greet supporters outside the Chase Center in Wilmington, Delaware, at the conclusion of the…
Former vice-president and Democratic presidential nominee Joe Biden (L) and Senator from California and Democratic vice presidential nominee Kamala Harris greet supporters outside the Chase Center in Wilmington, Delaware, at the conclusion of the…

Asi vanoshorwa nemashoko avakataura paiferefetwa nhengo yebato reRepublican Party, uye vari munhu mutema, VaClarence Thomas, avo vainge vadomwa nevaive mutungamiri wenyika, VaGeorge H. W. Bush, kuti vave nhengo yedare Supreme Court mugore ra1991. Vamwe mubato raVaBiden havana kufara nedanho ravakatora, uye nanhasi inyaya inogara yakasimudza mutauro pachitariswa nhoroondo yaVaBiden.

Amai Anita Hill, gweta uye vaishanda naVaThomas, akavapomera mhosva yekuvashungurudza munyaya dzepabonde uye vakapawo huchapupu hwekuva pomera mhosva iyi asi ivo VaThomas vachiiramba. Asi VaBiden, avo vaive sachigaro wekomiti yeSeneti inoona nezvematare nemitemo, havana kubvumidza zvimwe zvapupu zvekutsigira nyaya Hill.

Masangano anorwira kodzero dzemadzimai nevarwiri vekodzero vakatsoropodza kubatwa kwakaitwa nyaya iyi naVaBiden.

Mushure mezvo Seneti yakabvumira kudomwa kwaVaThomas kuva muting wedare reSuoreme Court uye vachiri mudare iri.

Muna Kubvumbi 2019,VaBiden vakafonera Hill vachikumbira ruregerero nemafambisiro avakaita nyaya yake, asi Hill haana anoti ari kugara asina kugutsikana nezvakaitika.

Zvinangwa: Kubudirira kwehutungamiri hwaVaBiden kungangotevedzera makore masere ehutongi hwaVaObama muWhite House, vaine hurongwa negwara rekusimudzira nyaya dzebudiriro pamusoro pemarudzi nezvido zvevanhukadzi muAmerica pamwe nezviga zvepasi rose. Kunyange hazvo VaTrump vakaburitsa America kubva muzvibvumirano zvekutengeserana, zvibvumirano zvezvombo zve nuclear pamwe nekushanduka kwemamiriro ekunze izvo VaBiden vanoti hazvina zvido zveAmerica zvakaitwa naVaTrump, VaBiden vari kutarisirwa kudzosera chimiro cheAmerica pasi rose apmwe nekuona kuti nyika iyi yatanga kutaudzana nedzimwe nyika zvine chiremera.

MuAmerica, VaBiden kwemakore mazhinji apfuura yane nemukurumbira wkushanda nevamwe zvakanaka kunyange vachibva kuRepublicans Party. Asi panguva iyo vange vachirwira kusarudzwa neDemocratic Party, VaBiden vakadududza pavakanzi vaive munhu asina kusimba zvakadzama panyaya dzekuti munhu wese ave nemafungiro ake uye asambunyikidze vamwe vachiti muna pachiitiko muna Kurume, "Ndine nhoroondo isina anoikunda pavanhu vose vari kukwikwidza." VaBiden vakasimbisa nhoroondo yehutongi hwaVaObama, kusanganisira kuwedzera rubatsiro munyaya dzehutano, kutsigira mutemo unobvumidza kuti ngochani dziroorane, uye kutsigira hurumende kuti ibatsire nemari makambani emotokari emuAmerica ainge avhiringwa nekuparara kwehupfumi hwenyika.

VaBiden vanoti VaTrump vasiya hondo yekurwisa dambudziko re coronavirus, vachitiwo "vachamisa kuita dambe rezvematongerwo enyika nekutaura manyepo izvo zvakonzera rusarura nekuita chadzimira mumafungiro evanhu." Va Biden vanoti vachaona kuti "zvisungo zvinobata hutano hweveruzhinji zvichaitwa nenyanzvi dzezvehutano kwete nevezvematongerwo enyika."

Kunyange hazvo kupopota nekubuda furo rehasha padandemutande reTwitter agara ari maitiro aVaTrump kubva pavakapinda muWhite House, kukanganwa nekurasa mukanwa kwaVaBiden kuri kupa VaTrump mukana wekushora VaBiden vachiti munhu asisina pfungwa dzakati tsvikiti nepamusara pekukwegura kwake. Masvondo mashoma apfuura, VaBiden vakati vari kupinda musarudzo yeSeneti, pane kuti vari kupinda musarudzo yemutungamiri wenyika, vakatiwo vanhu zana nemakumi maviri emamiriyoni vafa neCovid-19 pane kuti zana nemakumi maviri ezviuru.

“Kana dai ndakambotaura zvinhu zvakapusa kudai, masangano enhau anonyepa angadai akauya kwandiri achindishoropdza zvakanyanya. Izvi zvinodarika kukanganisa kuri pamwero,” VaTrump vakanyora paTwitter.

Asi VaBiden, pavakabvunzwa kana pfungwa dzavo dzichiri kushanda zvakanaka, vakati, "Tarisa, zvose zvaunofanirwa kuita kungonditarisa uye handife ndakamirira kuenzanisa kugona kwangu kwekuziva nekugona kwemurume wandiri kukwikwidzana naye."

Vaviri ava vari kutarisirwa kusangana vachikakavadzana pasi pechirongwa chekuedzana ruzivo muhurongwa hutatu huchaitwa muna Gunyana naGumiguru.

See all News Updates of the Day

Assange Otsika Madziro Pakuda Kuendeswa muAmerica Kunotongwa

Vatsigiri vaJulian Assange vachiratidzira kuti Assange asadzorerwa kuAmerica kunotongwa
Vatsigiri vaJulian Assange vachiratidzira kuti Assange asadzorerwa kuAmerica kunotongwa

Gakava guru pakati pehurumende yeAmerica nemagweta emutori wenhau akavamba sangano reWikileaks, rinofushunura nyaya dzekusora kunoitwa nehurumende dzeapasi rino, vaJulian Assange, rachanzvikwa mudare repamusoro, reHigh Court kuBritain, kutanga nhasi, Chipiri.

Assange ari kuramba kudzorerwa kuAmerica kunotongwa nemhosva yekubudisa pachena zvakavanda pakudyidzana kwe America nedzimwe nyika.

Kunzwikwa kwenyaya iyi kunoonekwa semukana wekupedzisira wekuti Assange amise kudzorerwa kwake kuAmerica kunotongwa ikoko.

Assange, uyo akazvarirwa kuAustralia, ave nemakore gumi nematatu ari mujeri muBritain achirwisa kuti asadzorerwa kuAmerica.

Vachuchusi veAmerica vanopomera Assange mhosva gumi nesere dzekubudiswa zvakavanda nekambani yake yeWikileaks, zvinosanganisa zvemauto uye hurukuro pakati pehurumende yeAmerica nevamiriri vayo kune dzimwe nyika.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa paDevry University, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvakakosha kuti munhu anenge apara mhosva atongwe munyika yaakapara mhosva yacho kuitira kuti vanhu vasaona sekuti vanogona kupara mhosva kune imwe nyika vachizonopotera Kane imwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dare reSenate Rinopasisa Bhiri Rekubatsira neMari Ukraine, Israel neTaiwan

Mutungamiri weUkraine, Va Volodymyr Zelensky, vachifamba vari pakati pa VaChuck Schumer na VaMitch McConnell
Mutungamiri weUkraine, Va Volodymyr Zelensky, vachifamba vari pakati pa VaChuck Schumer na VaMitch McConnell

Mushure memwedzi yakawanda pachiitwa gakava, dare reSenate muAmerica rakazopasisa bhiri remari inodarika madhora mabhiriyoni makumi mapfumbamwe nemashanu ($95.3 billion) yekubatsira Ukraine, Israel neTaiwan.

Bato reRepublican Party ndiro ririkuramba kuti America ishandise mari yakawanda mukubetsera dzimwe nyika asi, kuti bhiri iri ripase mudare reSenate, vamiriri veRepublican Party makumi maviri nevaviri vakavhota vakabatana nevamiriri veDemoctratic Party bhiri iri rikapasiwa nemavhoti makumi manomwe, ukuwo mavhoti makumi maviri nemapfumbamwe achiramba kurivhotera (70-29).

Asi kuti bhiri iri rive mutemo pachine makata sezvo dare reHouse of Representatives richifanira kutambira bhiri iri risiri kuwirirana nezviri mubhiri iri.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, vachishanda nesangano reConcerned Citizens Zimbabwe, VaTim Muringai, vanoti bhiri iri rinokosha zvikuru ku mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, sezvo richigona kuvawanira mavhoti mazhinji musarudzo dziri kuuya kana rikabudirira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dare reFederal Court Of Appeal Rinoti VaDonald Trump Vanogona Kutongerwa Mhosva Dzavanonzi Vakapara Pavaiva Mutungamiri WeAmerica

Vaimbova mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump
Vaimbova mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump

Rimwe dare repamusoro, kana kuti Federal Court of Appeal, remuguta guru reAmerica, reWashington DC, nezuro rakaramba kutambira chikumbiro chevaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Trump, chekuti havakwanise kuendeswa kumatare nekuti mhosva dzavari kupomerwa dzakaitika vari mutungamiri wenyika.

Mhosva idzi dzinosanganisira imwe yekuti vaida kukanganisa nyaya dzehutongo hwejekerere uye kuda kurambira pachigaro pavakakundwa musarudzo nevave mutungamiri wenyika, VaJoe Biden muna 2020.

VaTrump vari kutarisirwa kupikisa mutongo uyu.

Vachinyora padandemutande ravo reTruth Social mutungo usati hwapihwa, VaTrump vainge vayambira kuti kuda kuvaendesa kumatare kunogona kureva kuti mutungamiri wose wenyika yeAmerica akasiya basa anenge ozvuzvurudzwa kuenda kumatare neanenge amukunda.

Gweta uye vachishanda nesangano reAll Hands On Justice, VaKennedy Masiye, vanoti VaTrump vachine mukana wekuti nyaya yavo inzwikwe nedare repamusorosoro, reUS Supreme Court, vachiti dare iri ndiro rega rinogona kununura VaTrump kubva mukutongerwa mhosva dzavanonzi vakapara pavakanga vari mutungamiri weAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Amai Jill Biden Vopeta Rwendo Rwavo Rweku Africa

USA-AFRICA/FIRSTLADY-KENYA
USA-AFRICA/FIRSTLADY-KENYA

Amai Jill Biden, mudzimai wemutungamiri wenyika yeAmerica nezuro vakapeta rwendo rwavo rwemazuva matatu kuKenya mushure mekushanyirawo Namibia.

Mutungamiri wenyika yeKenya VaWilliam Ruto nemudzimai wavo Amai Rachel Ruto nevamwe vakuru vehurumende ndivo vakaperekedza Amai Biden kubva panhandare yendege yeJomo Kenyatta International Airport.

Vari muKenya, Amai Biden vakataura nezvenzira dzekupedza matambudziko enzara akonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura uye kukurudzira kodzero dzemadzimai nekusimudzira mabasa avo.

Vakaitawo musangano nevari kushanda nehurumende pahomwe yekubatsira vanorarama nechirwere cheHIV yePresident’s Emergency Plan for AIDS Relief kana kuti PEPFAR.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti kushanya kwa Amai Biden kunoratidza kuti murume wavo VaJoe Biden vane shungu dzekuzadzikisa chivimbiso chavakapa vatungamiri venyika dzemuAfrica vakange vari pamusangano weUS Africa Leaders' Summit muWashington muna Zvita kupera kwegore rakapera.

"Kushanya kwa Amai Biden kwakakosha parizvino sezvo dzimwe nzvimbo dzemunyika yeKenya dziri kutarisana nenzara mushure mekunetsa kwemvura zviri kukonzerwa nenyaya yekushanduka kwemamiriro ekunze. Kuenda kwa Amai Biden kunzvimbo idzi kuchabatsirawo kuti dzimwe shamwari dzeAmerica dzibatane nayo mukubatsira Africa."

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mudzimai weMutungamiri weAmerica, VaBoben, Amai Jill Biden, Avo Vari Kushanya muAfrica, Vanosvika muKenya

Amai Jill Biden vari muKenya.
Amai Jill Biden vari muKenya.

Mudzimai wemutungamiri weAmerica VaJoe Biden, Amai Jill Biden, vasvika muKenya neChishanu mushure mekushanyira Namibia kwemazuva matatu.

Amai Biden vari kutarisirwa kushanyira masangano nezvirongwa zvine chekuita nemadzimai nevechidiki, kutaura nezvekufambiswa kwemari mumabhanga, zvemamiriro ekunze nezvimwewo.

Vasati vasimuka kubva kuNamibia, Amai Biden vaita musangano nevechidiki vachizeya nezvehutongi hwejekerere.

Moreblessing Makawa
Moreblessing Makawa

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muNamibia, Muzvare Moreblessing Makawa, vanoti vafadzwa zvikuru nekushanya kwaAmai Biden uye vane shuwiro yekuti nyika yeZimbabwe ivewo nehutongi hwejekerere kuitira kuti iwanewo vashanyi vakadayi vanozobatsira mukuunza rutsigiro kuzvirongwa zvinosimudzira madzimai pamwe nevechidiki.

"Shuwiro yangu ndeyekuti zvakadayi zviitikewo muZimbabwe asi zvinotoda kuti hurumende yedu itange yavandudza nyaya dzekuremekedza kodzero dzevanhu nekukoshesa hungongi hwejekerere,"Muzvare Makawa vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG