Accessibility links

Breaking News

Japan Yobatsira Chipatara cheHarare Hospital neMishina


Mthuli Ncube & Japanese envoy
Mthuli Ncube & Japanese envoy

Japan inoti kunyange hazvo Zimbabwe yaimbova yakabudirira munyaya dzeutano, zvinhu zvadzikira zvakanyanya izvo zvaipa kuti ibatsire Zimbabwe pazvinhu zvakakosha zvinodiwa nebazi iri.

Vachitaura apo Zimbabwe neJapan dzanga dzichinyorerana chibvumirano icho chichaona Japan ichibatsira chipatara cheHarare Hospital nezvekushandisa kuchipatara chevana, mumiririri wenyika iyi muZimbabwe, VaToshiyuki Iwado, vati zvinhu hazvisisina kumira zvakanaka munyaya dzezveutano huye kuchipatara ichi hakuna michina izvo zvinoita kuti vamwe vana vatadze kurapwa.

Gurukota rezvemari, VaMuthuli Ncube, vatiwo kuburikidza nechibvumirano chavanyorerana, Japan ichatengera Harare Children’s Hospital michina yemari inosvika mamiriyoni maviri ane makumi manomwe nemashanu emadhora ekuAmerica.

Vati mimwe yemichina ichatengwa inosanganisira muchina wekuongorora zviri mukati memuviri, zvekuvhiyisa, zvekuongorora hutano hwevana vanenge vachinyanyorwarisa nezvimwewo.

VaNcube vati michina iyi ichabatsira kudzikisa huwandu hwevana vanorasikirwa nehupenyu hwavo.

VaNcube vatiwo hurumende ichapawo chipatara cheHarare Hospital mari inosvika mamiriyoni mashanu emadhora ekuAmerica kuti chipatara ichi chigadzirise zviri kunetsa.

Mutauriri weHarare Central Hospital, Muzvare Juliet Chikurunhe, vati michina iyi ichabatsira zvakanyanya varwere vanouya pachipatara chavo. Muzvare Chikurunhe vatiwo michina mizhinji yavanga vanayo yanga yasakara huye imwe haichagadziriki.

Japan neCanada ndidzo dzakabatsira kuvaka chipatara cheHarare Hospital chevana mugore ra1998.

Chipatara chevana ichi chinozivakanwa nekubudirira kwachakaita muna 2014 apo Dr Bothwell Mbuwayesangano nevamwe vavo vakakwanisa kuvhiya ndokupatsanura vana mapatya vakaberekwa vakabatana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG