Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yopa Madzishe Zvikakarara zveMotokari


Chief Fortune Charumbira
Chief Fortune Charumbira

Mutungamiri wemadzishe munyika, Ishe Fortune Charumbira, vanoti vari kufara zvikuru nedanho rehurumende rekutengera madzishe zvikakarara zvemotikari mazana maviri nemakumi maviri nenhanhatu.

Ishe Charumbira vanoti hurumende yaita izvi senzira yekuremekedza zviri mubumbiro remitemo yenyika.

Vatiwo vanhu havangafari kuona madzishe avo achifamba netsoka nokudaro hurumende iri kuedza kuremekedza madzishe sezvinofanira kuitwa.

VaCharumbira vatiwo madzishe haasi kupihwa mota idzi pachena sezvo vachazodzibhadara.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika, Va Enerst Muzengi, vanoti zviri kuitwa nehurumende zvinoratidza kuti iri kuda kuti iwane rutsigiro rwemadzishe musarudzo dzegore rinouya.

Vapamidzazve vachiti hurumende yange isingafaniri kushandisa mari yakawanda kudai panguva ino vanhu munyika vari kunetseka.

Hurukuro NaIshe Fortune Charumbira
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG