Accessibility links

Breaking News

Israel Inonyorerana Zvibvumirano zveKudyidzana neBahrain Pamwe neUnited Arab Emirates muWashington D.C.


Mutungamiri wehurumende yeIsrael VaBenjamin Netanyahu, mutungamiri weAmerica VaDonald Trump, gurukota reBahrain, VaAbdullatif Al Zayani negurukota reUnited Arab Emirates (UAE) VaAbdullah bin Zayed
Mutungamiri wehurumende yeIsrael VaBenjamin Netanyahu, mutungamiri weAmerica VaDonald Trump, gurukota reBahrain, VaAbdullatif Al Zayani negurukota reUnited Arab Emirates (UAE) VaAbdullah bin Zayed

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump pamwe nemutungamiri wehurumende yeIsrael VaBenjamin Netanyahu, neChipiri vakabatana negurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muBahrain, VaAbdullatif Al Zayani pamwe negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muUnited Arab Emirates (UAE), VaAbdullah bin Zayed, mukunyoreranwa kwezvibvumirano zvitatu zvekudyidzana pakati peIsrael nenyika mbiri dzeku Middle East idzi.

Chiitiko ichi chakaitirwa kumuzinda weWhite House muWashington D.C., VaTrump vachipembedza danho iri vachiti kunyoreranwa kwechibvumirano cheAbraham Accords uku kuchashandura mafambiro enhoroondo mudunhu reMiddle East.

VaTrump vakati hapana vaimbofungidzira kuti zvakadai zvingaitika muzuva ranhasi nenguva yatiri, vachiti kusainiranwa kwezvibvumiranp izvi kuchaitawo kuti dzimwe nyika dzitevedzere zvaitwa nevatungamiri vavakati vakakosha ava.

VaNetanyahu vakatsanangurawo zuva iri sezuva rakakosha munhoroondo, uye kubuda kwerunyararo hutsva.

Chiitiko chakadai chinonzi chakapedzisira kuitwa muWashington D.C. mugore ra1994, apo vaive mutungamiri wenyika, VaBill Clinton vakaona vaive mutungamiri weIsarael, VaYitzhak Rabin namambo wekuJordan, King Hussein, vakanyorerana chibvumirano chakazounza runyararo mwedzi mishoma yakazotevera.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri muWashington D.C., VaFrenk Guni, vanoti zvibvumirano zvakanyoreranwa pasi izvi zvakakosha zvikuru mukuunza kudyidzana nerunyararo kuMiddle East, kunyange hazvo nyika idzi dzakanga dzagara dzichishanda pamwe nerweseri neAmerica pamwe neIsrael, asi zvichiitika muchivande.

Hiurukuro naVaFrenk Guni
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG