Accessibility links

Breaking News

Zuva reKodzero Rinosvika Zvinhu Zvisina Kumira Zvakanaka muZimbabwe


Dzikamai Bere

Nhasi pasi rose riri kucherechedza zuva rekodzero dzevanhu, kana kuti International Human Rights Day, nyanzvi munyaya dzekodzero muZimbabwe dzichiti kodzero dzevanhu dzakatyorwa zvakanyanya mugore rino ra 2021, uye izvi zvakawedzerwa nekuvapo kwedenda reCovid-19.

Murongi wemabasa muZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaWilbert Mandinde, vati kuvharirwa kwaiitwa vanhu mudzimba senzira yekudzivirira denda reCovid-19 kwakakonzera kutyorwa kwekodzero dzevanhu.

VaMandinde vati sangano ravo rakabatsira vanhu vanodarika mazana maviri nemakumi matatu nevashanu vaipomerwa mhosva yekutyora mitemo yekudzivirira chirwere cheCopvid-19.

VaMandinde vatiwo kodzero yehutano haisi kuremekedzwa muZimbabwe. Vati kuoma kwehupenyu munyika kuri kukonzerawo kuti kodzero iyi isazadzikiswa.

VaMandinde vatiwo kusaitwa kwesarudzo dzemaby-elections nepamusana peCovid-19 mucherechedzowo wekutyorwa kwekodzero yekuti vanhu vese vave nevamiriri vavo muparamende kana mumakanzuru.

Mukuru weZimbabwe Human Rughts Association, VaDzikamai Bere, vatiwo gore ra2021 ranga riri gore rakaipa zvakanyanya munyaya yekutyorwa kwekodzero.

VaBere vati nhengo dzavo dzakanzwa zvichemo zvevanhu vanodarika zviuru zvina nemazana matatu nemakumi masere nevashanu vazhinji vavo vari vanhu vakamanikidzwa kutama kubva munzvimbo dzavaigara.

VaBere vatiwo zvinosuwisa kuti vanhu vanotarisirwa kuremekedza kodzero dzevanhu ndevamwe vari kutyora kodzero.

VaBere vatiwo hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa haina hany’a nekuzadzikisa chidzidzo chakaitwa nemutungamiri wenyika chekuzadzikisa kuremekedzwa kwekodzero.

Vatiwo hurumende haisi kuranga vanhu vanotyora kodzero.

Murwiri wekodzero dzemadzimai, Amai Sungano Zvarehwanashe, vatiwo gore rino rapera kodzero dzemadzimai dziri mubumbiro remitemo yenyika dzisiri kuzadzikiswa. Amai Zvarehwanashe vati kuenzaniswa kwemikana pakati pemadzimai nevanhurume zviri kuperera pamuromo pasina chinoitwa.

Asi mukuru weZimbabwe Citizens Forum, VaAlex Kandishaya, vati Zimbabwe iri padanho repamusoro pakuremekedzwa kwekodzero vachiti vanhu vave nemikana wekutsvaka vatungamiriri vavanoda , kuenzaniswa kwemiripo pamabasa kuvanhukadzi nevanhurume.

VaKandishaya vati vekunze kwenyika ndivo varikutoda kutyora kodzero dzevanhu kuburikidza nekwavati kushandura hurumende inenge yasarudzwa nevana veZimbabwe.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva hurumende sezvo gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vanga vasingadaviri nharembozha yavo uyewo hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa.

Asi Amai Mutsvangwa vakaudza vatori venhau svondo rapera kuti Zimbabwe iri kuzadzikisa zvainotarisirwa pasi pezvibvumirano zvinobata nyaya dzekodzero dzevanhu.

Sachigaro weZimbabwe Human Rights Commission, VaElasto Mugwadi, vatiwo mitemo yeCovid-19 yakatyorawo kodzero dzevanhu.

Zuva reInternational Human Rights Day rinocherechedzwa musi wa10 Zvita gore rega rega zvichitevera kutambirwa kwakaitwa chisungo cheUniversal Declaration of Human Rights chakaitwa neUnited Nations mugore ra 1948.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG