Accessibility links

Breaking News

India Inosunga Vangu Vaviri Vane Mangoda Ekwa Marange


Mangoda aya anonzi akaburitswa mu Zimbabwe zvisiri pamutemo. Vaviri ava vakasungwa mukupera kwesvondo ku Surat, munzvimbo ine muzinda wekuchenesa mangoda

India inoti yakasunga zvizvarwa zvayo zviviri, Zohra Desai na Prema Desai, mushure mekunge vaviri ava vapinda munyika iyi nemangoda anorema makirogiramu gumi, uye achikosha mamiriyoni maviri emadhora.

Mangoda aya anonzi akaburitswa mu Zimbabwe zvisiri pamutemo. Vaviri ava vakasungwa mukupera kwesvondo ku Surat, munzvimbo ine muzinda wekuchenesa mangoda.

Kusungwa kwevaviri ava nemangoda ekwa Marange kunoratidza kuti pachine zvinzhinji zviri kuitika kwa Marange muchivande.

Aka ndeke chipiri India ichisunga vanhu vane mangoda ekwa Marange vachipinda navo munyika iyi zvisiri pamutemo. Va Gift Chimanikire ndivo mutevedzeri we gurukota rezvemighodhi.

VaChimanikire vanoti pachine vanhu vazhinji vari kuchera mangoda zvisiri pamutemo kwaMarange nekuti hurumende haisati yakwanisa kuchengetedza minda yemangoda yese.

Va Farai Maguwu ndi Executive Director we Centre for Research and Development ma Mutare. VaMaguwu vanoti hurumende haisi kuita zvakakwana kudzivirira kubuda kwemangoda munyika zvisiri pamutemo.

XS
SM
MD
LG