Accessibility links

Breaking News

Imwe Kambani yeMugodhi Yodzinga Vashandi Mudzimba kuBindura


Vamwe varikudzingwa mudzimba dzeRan Mine, kuBindura.
Vamwe varikudzingwa mudzimba dzeRan Mine, kuBindura.

Vashandi nevagari veRan Mine kuBindura nemusi weMuvhuro vakaratidzira zvine mutsindo muguta iri vachirwira kuti vasabuditswe mudzimba dzavanogara.

Ran Mine yaimbove yekambani yeGlobe and Phoenix. Payakamira kuchera goridhe, haina kupa vashandi vayo mari dzavo dzemudyandigere kunze kwekungovambisa kuti vachabhadharwa mari yavo panovhurwa mugodhi zvekare.

Nguva imwe chete iyoyo, vashandi vakaudzwa kuti vaikwanisa kugara mudzimba dzekambani mavaigara.

Kanzura weBindura Ward 2, VaIan Makone, avo vaitungamira mukuratidzira uku, vaudza Studio 7 kuti kambani yeGlobe and Phoenix yakatengesa Ran Mine asi muridzi wayo mutsva havamuzivi kunze kwevarungu vaviri vavanogara vachiona pamughodhi uyu.

“Vashandi ava havana kukwanisa kupiwa mari dzavo dzavakashandira kwemakore matatu. Saka pakavharwa mughodhi, vakasara vachigarapo, vana vavo vachidzidza pachikoro chiripo,” VaMakone vaudza Studio 7.

Vaenderera mberi vachiti, “Nhasi ndipo pave kunzi Ran Mine yakatengeserwa kune mumwe munhu. Muridzi mutsva wemugodhi uyu ndiye avekuti vanhu vabude mudzimba idzodzo nekuti ari kutsvaga vashandi vatsva vanofanira kuzogara mudzimba idzi.”

Vagere mudzimba idzi vanzi vabudemo musi wa 31 Zvita gore rino usati wasvika.

Izvi zvakatsamwisa VaMakone avo vachangosarudzwa kuva kanzura weWard 2 muBindura, vakatanga kuita misangano nevanhu kuti vaone zvingaitwa nenyaya iyi.

VaMakone vakakwanisa kuwana rubatsiro rwevanhu ava kubva kumagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights avo vave kuvamiririra.

Gweta riri kumiririra vashandi ava VaObey Shava, vati vachakwanisa kutaura neStudio 7 kana vambinzwa zvekare kubva kuvashandi vacho.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG