Accessibility links

Breaking News

Zvipingaidzo Zvobuda muChirongwa cheNhomba yeCovid-19


Empty Sample Testing Kits - Wilkins Hospital

Bazi rezvehutano rinoti harikwanise kuongorora vanhu vose vari kuda
kubayiwa nhomba vasati vabayiwa nhomba iyi sezvinokurudzirwa nevakagadzira nhomba yeSinopharm.

Vachitaura nevatori venhau nezuro mukuru webazi rezvehutano mudunhu
reMashonaland West, Dr Gift Masoja, vakati hurumende haikwanise kuongorora sezvo vasina zvikwanisiro zvinokwanira munhu wese ari kuda kubayiwa nhomba.

Dr Masoja vakati chimwe chikonzero ndechekuti nguva yekubayiwa nhomba inozowandisa zvakanyanya sezvo zvichitora maawa maviri kana kudarika munhu akamirira zvichabuda muongororo inenge yaitwa iyi.

Dr Masoja vakati munhu akamborwara nechirwere cheCovid-19 anogona
kubayiwa nhomba sezvo paine mukana wekuti anogona kurwara nechirwere ichi zvakare.

Nyanzvi yezvehutano uye vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende
yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vanoti hurumende yakatadza kare kuti iwongorore vanhu nekudaro vakada kuzviita chirongwa chekubaya nhomba chinodzokera kumashure.

Dr Madzorera vanoti hurumende inofanirwa kukurudzira vanhu vari kuda
kubayiwa nhomba kuti vataure chokwadi kuti vane hutano hwakasimba
here,kana kuti kwete.

Dunhu reMashonaland West iro rakapihwa majekiseni enhomba anosvika
zviuru gumi rechimwe chete, rabaya vanhu chiuru chimwe chete nezana
nemakumi masere nevasere, kana kuti 1188 mumazuva
mashanu kusvika nezuro.

Munyika yose, vanhu zviuru gumi nezviviri nemazana mashanu nemakumi manomwe nevapfumbamwe, 12579, vakange vabayiwa nhomba iyi mukupera kwezuva ranezuro.

Chirwere ichi chakauraya vanhu vashanu nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa munyika yose pachiuru nemazana mana nemakumi matanhatu nevatatu, 1463.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika vava zviuru makumi matatu nezvitanhatu nemakumi mana nevana, 36044, zvichitevera kubatwa kwevanhu makumi mashanu nechirwere ichi nezuro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG