Accessibility links

Breaking News

Komisheni Ichaferefeta Mhirizhonga muChinhoyi, Mash West, Inodomwa


MDC Activist Funeral
MDC Activist Funeral

Komosheni inoona nezverunyararo nekugarisana zvakanaka, yeNational Peace and Reconciliation Commission, kana kuti NPRC, yaumba komiti yekutanga munyika muChinhoyi mudunhu reMashonaland West.

Komiti iyi ichange aichiona nyaya dzemhirizhonga mudunhu iri.

Komisheni iri kuumba makomiti erunyararo mumatunhu makuru ose munyika, umo muchaumbawo makomiti akadai mumatunhu madiki.

Komishina weNRPC, Muzvare Choice Ndoro, vati basa remakomiti erunyararo aya nderekuongorora kutangwa kwemhirizhonga mumatunhu.

Makomiti aya anozosvitsa magwaro ayo kukomisheni kuitira kuti patorwe matanho ekugadzirisa pamwe nekuona kuti mumatunhu hamuna mhirizhonga.

Vakawanda vapinda musangano wemazuva maviri uyo wapera nhasi vanoti vane chivimbo chekuti kuumbwa kwemakomiti aya kuchaderedza nyaya dzemhirizhonga zvikuru sei munguva yesarudzo.

Vasarudzwa semutevedzeri wasachigaro wekomiti yepurovhinzi yeMashonaland West, VaGodfrey Mavhangeni, vati vachaedza nepavanokwanisa napo kuti nyaya dzemhirizhonga dzisarambe dzichiitika.

Vaimbove murwiri wehondo yerusununguko uyo apinda musangano wanhasi, VaMoses Nyambondo, vati vanoona makomiti aya achideredza huwandu hwemhirizhonga mudunhu kana vanhu vakazvipira kushanda pamwe chete.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, avo vachange vari mukomiti yedunhu vanoti vachashanda nevamwe vose zvakanaka vachisunga vose vanenge vanzi vapara mhosva dzemhirizhonga.

Mambo Chundu vedunhu reHurungwe, avo vanozivikanwa nezita rekuti Abel Mbasera, vatiwo makomiti anofanirwa kushanda nemadzimambo kuitira kuti abudirire pane zvose zvaari kuda kuita.

Asi mumiriri weNorton muparamende, VaTemba Mliswa, vati dambudziko richasangana nemakomiti aya nderekuti mapato ezvematongerwo enyika, zvikuru sei Zanu PF neMDC, ari kuda kuti munyika muve nerunyararo asi iwo mapato aya asina kubatana paine ruvengo pakati pawo.

VaMliswa vati zvainge zvakakosha kuti madzishe nevaimbove varwiri verusununguko vaiswe pamberi munyaya dzerunyararo nekupodza maronda.

Komiti yepurovhinzi ine vanhu makumi matatu nevashanu kubva kune vose vane chekuita nerunyararo vanosanganisira vezvematongerwo enyika, vemasangano akazvimirira, vanorarama nehurema, vashandi, vezvemabhizinisi, vana vechikoro, vedzisvondo nevamwe.

Komiti yeMashonaland West inotungamirirwa naKomishina Choice Ndoro veNPRC, uye ine nhengo dzasarudzwa nhasi dzinoti mutevedzeri wasachigaro, VaMavhangeni vachimirira vemabhizinisi, Mambo Chundu, Muzvare Jane Mazhambe veWomen Coalition of Zimbabwe, VaDavid Malunga vanomirira vashandi, VaMisheck Nyarubero veZanu PF pamwe naVaSlyveter Mzwambili veMDC.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG