Accessibility links

Vanhu gumi nemumwe vakashaya, vamwe zana negumi nevapfumbamwe vakakuvara apo rori yainge yakatakura vatendi vechechi yeThe True Apostolic Mission yakita njodzi kuKamativi, Matabeleland North.

Nhepfenyuro yeZBC yati mumwe wevanhu vapona mutsaona iyi yakaitika mambakwedza nenguva dza4 kuseni mushure mekunge ma’brake’ erori iyi aramba kushanda. Asi vatendi ava vanonzi vakaramba kuti imire payakatanga kuita dambudziko vachiti vainge vachitya kunonoka kumusangano wechechi.

Vatendi ava vainge vachibva kuSiabuwa, Binga, vachienda kuHwange. Mukuru wemapurisa kuHwange, Superintendant Newton Mutumba, vaudza vatori venhau kuti vakuvara vaendeswa kuzvipatara zvakasiyana siyana kusanganisa kuKamativi Clinic, Hwange Colliery neku St Patrick’s.

Njodzi iyi iri kuuyawo mushure mekunge vamwe vanhu gumi vafa nemusi weMuvhuro mutsaona yemumugwagwa weHarare-Nyamapanda pedyo neMusami Cross Business Centre.

VaClifford Gobo, avo vakafanobata chigaro chemukuru wesangano rinoongorora nezvenjodzi mumigwagwa, reTraffic Safety Council, vati vane hurombo chaizvo nezvaitika panjodzi iyi vakapamhidzirazve vachiti mapurisa vanofanira kuregwa vachiita basa ravo rekubisa motokari dzisina kunaka mumigwagwa.

VaGobo vatiwo vanhu vanofanirawo kuwongorora motikari nemabhazi zvavanokwira.

“Chokutanga, avo vanokwira mabhazi nedzimwe motikari vanofanira kudzidzisiwa kuti pavanopinda mubhazi vanofanira kutanga kuzvibvunza kuti bhazi randirikupinda iri ndikabhadhara, ndinosvika here kumba kwangu ndirimupenyu? Saka vanotarisa bhazi uye vanemvumo yokutarisa driver wacho nezvese zviripabhazi.”

VaGobo vanoti vanokurudzira avo vanokwidza vanhu motokari dzavo kuti vagare vaine tsamba dzinoratidza kuti dzakakwana zvekugona kutakura vanhu.

“Tinokuridzira vane mota dzinosenga vanhu kuti vaone kuti mota dzavo dzinokodzera kufamba mumigwagwa here. Vanofanira kuve nematsamba anoratidza kuti motikari yavo inebvumo yokufamba nekutakura vanhu here.”

VaGobo vanokumbira mapurisa kuti vakaona mota dzisingakodzeri kufamba dzakatakura vanhu dzamiswa kufamba.

“Kana mapurisa akasuduruka, ndipo patinotanga kuchemazve kuti ko iyo mota yacho yapinda sei mumugwagwa.”

VaGobo vanotiwo vanhu vanokwira mabhazi nedzimwe mota vanofanira kubatsirawo nekutarisisa mota nemabhazi zvavanokwira vachiudza mapurisa kana paine zvavanenge vaona zvisina kumira zvakanaka.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG