Accessibility links

Breaking News

Sangano reWOZA Rotsamwiswa kuZvishavane


Sangano reWomen In Zimbabwe Arise (WOZA) rinoti harisi kufara nehuwori huri kuitika kuZvishavane.

Izvi zvinotevera mashoko ekuti mumwe murume anonzi ange achibhadharisa vanhu mari dzekuti vapinde musangano ravo kunyange hazvo sangano iri risinga bhadharise vanhu mari kuti vave nhengo dzaro.

Mumwe mukuru mukuru musangano iri, Muzvare Magodonga Mahlangu, vanoti vakatokwidza nyaya iyi kumapurisa kunyange hazvo vasiri kuwana rubatsiro rwakakodzera kubva kumapurisa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

XS
SM
MD
LG