Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVari Kufa neCovid-19 Hwoderara Asi Nyanzvi Dzinoti Haisi Nguva yeKupemberera


Apo huwandu hwevanhu vari kubatwa nekufa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchiderera, nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kukurudzira vanhu kuti vasarivare nekuti chirwere ichi chinogona kudzoka zvakare zvine hukasha.

Nemusi weChina mukuru anoona nezvezvirwere zvekutapuriranwa mubazi rezvehutano Dr Portia Manangazira, vanoti vanhu vanofanira kuramba vachitevedzera kurudziro iri kupihwa yekuzvidzivirira nekupfeka mamamasiki, kugeza maoko, kusaita magungano nezvimwe.

Mukuru musangano reCommunity Working Group on Heath, VaItai Rusike, vatsinhirawo mashoko aya vachiti vanhu vanofanira kuramba vakangwarira kuti vasatapurirwe chirwere.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana manomwe kana kuti 3,7million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica.

Vanhu vafa vasvika zviuru makumi mapfumbamwe nezvitanhatu zvine mazana manomwe nemakumi matatu nevaviri kana kuti 96, 732.

Vapora muAfrica vadarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana maviri kana kuti 3, 2 million.

South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica.

Dunhu reSADC ndirozve rine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana manomwe kana kuti 1,7 million. North Africa ine vanhu vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 pasi rose hwadarika zana remamiriyoni nemanomwe kana kuti 107 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica vanodarika zviuru mazana nemakumi manomwe nechimwe kana kuti 471 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni makumi maviri nemanomwe kana kuti 27 miillion.

Pasi rose, vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana matatu kana kuti 2,3 million.

Vapora pasi rose vadarika mamiriyoni makumi matanhatu ana kuti 60 million.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG