Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yozeya Nyaya yeChikwereti cheNyika


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, neChina vakakurudzira mapato ari muhurumende, kuti ashande pamwe chete pakutsvaga mazano ekubhadara zvikwereti zvenyika.

VaTsvangirai vakataura mashoko aya pamusangano wekupana pfungwa dzekutsvaga nzira dzekuti Zimbabwe ibhadhare chikwereti chayo che US$5,7 billion.

Musangano uyu wakanga warongwa nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Va Arthur Mutambara, avo vachange vachitungamira komiti yemakurukota icharonga hwaro hwekutevedza mukubhadhara chikwereti ichi.

Gurukota rezvemari, Va Tendai Biti, vanoti Zimbabwe inofanirwa kutambira hurongwa hwe Highly Indebted Poor Countries, kuitira kuti iregererwe zvikwereti zvayo. Asi mamwe makurukota muZanu PF anonzi ari kupokana nefungwa iyi.

Musangano uyu wakapindwawo nevakuru veWorld Bank pamwe chete ne African Development Bank. Gurukota rezvekurongwa kwehupfumi, VaElton Mangoma, vanoti nyaya yechikwereti cheZimbabwe inonetsa sezvo paine vamwe vanhu vakaparadza hupfumi hwenyika vega vava kuda kuzvichenesa nenzira isiri kwayo.

XS
SM
MD
LG