Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoyambirwa Kuti Isarambe iChikwereta Zvakanyanya Kubva kuChina


Mr Tapiwa Kapurura
Mr Tapiwa Kapurura

Zimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuyambira hurumende kuti isarambe ichikwereta mari kubva kuChina sezvo ichizogona kuwira mumambure sezviri kuita nyika dzakaita seZambia neGreece.

Sanganano reAfrica Confidential rinoti China yakatotora makambani ekuZambia anosanganisa nhepfenyuro yenyika iyi yeZambia National Broadcasting Corporation.

China inonziwo iri kutora gwenya remagetsi reKafue Gorge nenyaya yekuti hurumende yeZambia. Imwe nzvimbo inosvikira ngarava kuGreece yePort Piraeus yakatorwa nekambani yekuChina inonzi Chinese Ocean Shipping Company kana kuti COSCO nenyaya yezvikwereti.

Asi vachitaura nezvizvarwa zveZimbabwe kuNew York mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa uye gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakati havasi kungotora zvikwereti pasina mukana wekuzvidzosera.

Asi pamadandemutande akaita seTwitter, Facebook neWhattsApp zvizvarwa zveZimbabwe hazvisi kuratidza kugunun'una netsananguro iyi.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari gweta kuOregon, VaTapiwa Kapurura, vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe izere nyanzvi munyaya dzezvemari nehupfumi nekudaro hurumende inofanirwa kugara pasi nadzo ichitsvaka mazano isati yakwereta.

“Vanhu vari kutarisa dzimwe nyika dzakatitenderedza dziri kubatsirwa sekuverenga kwatiri kuita mumapepa. Nyika dzakaita saana Zambia nedzimwe vari kungochema chema nekutadza kubhadhara zvikwereti izvi,” VaKapurura Studio 7. Vakaenderera mberi vachiti, “Izvi zvinokonzera kuti nhamo dziwande kudarika pamange muri. Munosara mave kutochema. Zvinhu zvekuti vanhu vanofarira kungwarira izvozvo.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG