Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yovimbisa Nhomba yeCovid Mumazuva Mashoma Anotevera


Vakafanobata chigaro chemunyori mubazi rezvehutano, Dr Robert Mudyirandima, vaudza paramende kuti nyika yakatora danho rekuti yoshandisa nhomba ipi kudzivirira kupararira kweCovid-19 uye pane chiziviso chichaitwa kune veruzhinji pamusoro penyaya iyi mukati memazuva mashonana ari kutevera.

Vachipa humbowo maererano nemamiriro akaita denda reCovid-19 munyika nemusi weMuvhuro, Dr Mudyirandima, vanoti pane nhomba dzakawanda dzave kushandiswa nedzimwe nyika uye vange vari kuita ongororo yekuti ndeipi yakanakira nyika. Vati Zimbabwe ichatangawo kushandisa imwe nhomba iyi munguva pfupi iri kutevera.

Vatiwo kunyange hazvo hurumende yange isina kubhajeta mari yenhomba iyi, bazi rezvemari nevamwe vemabhizimisi vakavimbisa kuumba homwe yekutenga nhomba iyi.

Mukuru anoona nezvezvirwere zvinotapuriramwa mubazi iri, Dr Portia Manangazira, vatiwo kunze kwekutenga nhomba iyi, Zimbabwe ichawana imwe pasi pechirongwa cheWorld Health Organisation cheCOVAX icho chinobatsira nyika dzichiri kubudirira pamwe nechirongwa cheAfrican Union iyo ichawana mishonga yePfizer neAstraZeneca ichiuya kuburikidza nemakambani eSeum Institute of India neJohnson and Johnson.

Kunyange hazvo nhomba inopihwa vanhu vane denda iri ichibva kunze kwenyika, mimwe mishonga inopihwa vawere vane denda iri yakaita semapiritsi eParacetamol neZINC anogadzirwa muno.

Zvichakadaro, Dr Mudyirandima naDr Manangazira, vazivisa kuti zvipatara zveveruzhinji zvinotora varwere veCovid 19 hazvina kuzara asi vakati pane zvipatara zvakazvimirira zvakaita seHealth Point muHarare zvine varwere vakawanda kudarika vazvinokwanisa kuchengeta.

Dr Manangazira vati semuenziso chipatara cheWilkins muHarare icho chine mibhedha makumi matatu nemishanu yeCovid-19 hachina kana murwere mumwe pari zvino, Parirenyatwa ine mibhedha makumi mapfumbabwe nemitanhatu asi zvikamu makumi maviri nezvina zvemibhedha iyi ndizvo zvine vanhu chete.

Mutungamiriri weZimbabwe Nurse Association VaEnock Dongo vati nyaya yekuti zvipatara zveruzhinnji hazvina kuzara inoratidza kuti vanhu havadi kuendako nekuti hakuna zvekushandisa uve vashandi veko havana mufaro nemabatirwe nemashandiro avanoita.

Vakuru vakuru kubva kubazi rezvehutano vazivisawo kuti vave kuwana mishonga pamwe nezvimwee zvekushandisa pabasa kana kuti Personal Protective Equipment pasi pechirongwa cherubatsiro rwakabva kuGlobal Fund rweemamiriyoni makumi mana nemapfumbabwe emadhora ekuAmerica.

VaDongo vati zvakanaka chose kuchengetedza vashandi vehutano kubva kuCovid-19.

Dr Mudyirandima vazivisawo kuti munyika mune Oxygen yakawana yekushandisa kuvarwere veCovid-19.

Izvi zvatsinhirwa nemutungamiriri wesangano rinomirira machiremba anoshanda akazvimirira reMedical and Dental Private Practioners Association of Zimbabwe Dr Johannes Marisa avo vaudza Studio 7 kuti kana pachavo vari kuwanawo Oxygen yevarwere vavo.

Zvichakadaro, bazi rezvehutano razivisa kuti vanhu zana nevashanu vari muzvipatara nekuda kwechirwere cheCovid-19 uye vashanu vari mune vari kurwarisa kana kuti Intensive Care Unit.

Asi huwandu uhu hunogona kunge hwakakwira kudarika apa sezvo pasina kuziviswa nezvevarwere vari kuMasvingo, Parirenyatwa, Manicaland ne Thongroove.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG