Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yovhura Musika weMbare Uku Ichiendeswa Kumatare naVanaChiremba


 Musika weMbare
Musika weMbare

Zimbabwe nhasi yapinda musvondo rechipiri vanhu vachigara kudzimba senzira yekudzivirira kupararira kwecoronavirus uye vana chiremba vanorwira kodzero dzevanhu, veZimbabwe Doctors for Human Rights, vaenda kudare repamusoro vachida kuti hurumende ione kuti zvipatara zvese munyika zvapihwa michina nazvose zvinodiwa kurapa vaneCoronavirus.

Vati vanodawo kuti vanhu vanokwira maZUPCO kusanganisira vamwe vashandi vezvehutano vapihwe zvipfeko nezvimwe zvekuvadzivirira kubva kuchirwere ichi.

Mumagwaro avo aendeswa kudare neZimbabwe Lawyers for Human Rights, vana chiremba ava vati vanoda kuti dare iri ripe mutongo wekuti gurukota rezvekutano, gurukota rezvemari pamwe negurukota rinoona nezvekufamba nekutakurwa kwezvionhu vatore matanho eku chengetedza vanachiremba, vashandi vese vezvehutano pamwe neveruzhinji vanofamba nemabhazi eZUPCO kubva kucoronavirus.

Munyori mukuru musangano reZimbabwe Doctors for Human Rights Doctor Norman Matara vanoti vanodawo kuti dare ripe mutongo unosungira hurumende kuti ivape zvepfeko zvinovadzviririra kubva kuCoronavirus vari pabasa.

Vatiwo kunyange hazvo zvichiita sekuti pane vanhu vashoma vari kubatwa necoronavirus munyika vanoona sekuti vanhu vashoma vari kuongororwa nekudaro vanoda mutongo unosungira kuti hurumende iwongorore vanhu vakawanda.

Pari zvino pane vanhu vapfumbamwe vabatwa neCoronavirus uye mumwe wavo, mutori wenhau Zororo Makamba akashaya nechirwere ichi.

Hatina kukwanisa kunzwa divir regurukota rezvehutano, Dr Obadia Moyo, sezvo vange vasiri kudaira mbozhanhare yavo.

Mune imwewo nyaya, kanzuru yeHarare nhasi yavhura musika mukuru unotengesa zvirimwa kuMbare zvichetevera mashoko emutungamiriri wenyika ekuti varimi vanofanira kuramba vachitengesa zvirimwa zvavo.

Nezuro VaMnangagwa vakatendererawo mumisha yevazhinji muHarare vachiona kuti vanhu vari kutambira here kurudziro yavo uye vakaudza vatori venhau kuti vakafara nezvavakaona.

Mutauriri wekanzuru yeHarare VaMichael Chideme vaudza Studio 7 kuti vatora danho rekuvhura musika uyu nekuti vagari vemuguta vakawanda vange vave kunetseka kuwana zvinhu zvakaita semurivo, matomatisi nezvimwe zvirimwa zvavanodya zuva zuva.

Vati kanzuru iri kutora matanho ese kuona kuti varimi nevatengi havabatwe necoronavirus pamusika uyu.

Mukuru werimwe remasangano anomirira vanotengesa mumisika nemigwagwa, reVendors Initiative for Social and Economic Transformation kana VISET VaSamuel Wadzai Mangoma, vanoti vatambira zvaitwa nekanzuru yeHarare izvi.

VaWadzai vakurudzirawo mamwe makanzuru munyika kuti vaite zvaitwa nekanzuru yeHarare vachiti kunyange kuiine Lockdown vanhu vanofanir kuramba vachirarama.

Nekuda kwekushaya chouviri vamwe vagary mumisha yevazhinji vari kupota vachiita hwakiti nagonzo nemapurisa nemaoja vachimbotengesa zvinhu pamisika nemumatuckshop.

Zvichakadai, masoja nemapurisa ari kutenderera muguta achikurudzira kuti veruzhinji vasaungane senziri yekudzivirira kupararira kwecoronavirus.

Asi masoja nemapurisa aya ayo arikufamba ari mumarori, ari kufamba asina zvipfeko zvekuadzivirirawo kubva kucoronavirus zvakaita semamask izvo zvinonzi navanachiremba zvinoisa hutano hwavo neveruzhinji munjodzi.

Mumwe mugari wemuHarare, Amai Harriet Muchawa, vanoti hurumende inofanira kuchengetedza mapurisa nemasoja nekuapa mamask kuti asaparadzire chirwere ichi pakati pawo pamwe neveruzhinji.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinokurudzira kuti vanhu vapfeke maMask nedzimwe mbatya dzekuzvidzirira kubva kucoronavirus panguva idzo vanopinda munzvimbo dzine vanhu vakawanda kana kuti vanogona kunge vaine hutachiwana hweCoronavirus.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG