Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoshorwa neKutyora Kodzero DzeVatori veNhau


Amai Monica Mutsvangwa naVaSibusiso Moyo
Amai Monica Mutsvangwa naVaSibusiso Moyo

Dare ramajisiteriti kuMbare ratadza kutanga kutonga vatori venhau, Frank Chikowore anoshanda akazvimirira pamwe naSamuel Takawira wekambani ye263 Chat avo vari kupomerwa mhosva yekuramba kuteerera mapurisa.

Vaviri ava vanonzi vakaramba kuteerera mapurisa apo vakapinda muchipatara kunotaura nenhengo nhatu dzeMDC Alliance dzinosanganisira mumiriri weHarare West mudare reparamende Muzvare Joana Mamombe mushure mekunge vachuchusi panyaya iyi vashandura mhosva yavari kupomerwa.

Chikowore naTakawira vashamisika pavasvika kudare vachuchusi vave kuti vanoda kushandura mhosva yavari kupomerwa.

Vachuchusi vaudza Chikowore naTakawira kuti vave kupomerwa mhosva yekusatevedza mutemo wekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 weSocial Distancing.

Chikowore naTakawira vakusungwa musi wa22 Chivabvu kuParktown Hospital vachinzi vainge vapinda muchipatara ichi zvisina mvumo.

Vainzi vaida kunoita hurukuro sevatori venhau naMuzvare Mamombe, Muzvare Netsai Marova naMuzvare Cecilia Chimbiri vanove nhengo dzeMDC Alliance vanoti vakapambwa vakashungurudzwa nevanofungidzirwa kuti vasori. Asi hurumende iri kuramba kuti vatatu ava vakapambwa.

Rimwe remagweta aChikowore naTakawira VaPaidamoyo Saurombe vaudza Studio 7 kuti vange vakatarisirira kuti nyaya yevaviri ava itange kutongwa nhasi.

VaSaurombe vanoti vaoona sekuti danho iri ratorwa nekuti mutemo wavari kunzi vakatyora une chekuita nenzvimbo dzekupinda munyika kana kuti mabhodha nekudaro vachuchusi vanoona kuti hapana nyaya zvapa kuti vashandure mhosva yacho.

Nyaya yevaviri ava ichaenderera mberi svondo rinouuya apo dare rinotarisirwa kupa mutongo waro pane zvataurwa nevachuchusi. VaSaurombe vanoti vachapa mhinduro yavo kune zvaitwa nevachuchusi dare risati rapa mutongo.

Chikowore naTakawira vari kuramba mhosva yavari kupomerwa. Svondo rino kuMasvingo, mumwe mutapi wenhau anoshanda akazvimirira, Godfrey Mtimba akasungwa achipomerwa mhosva yekuzvidza mutungamiriri wenyika uye anotairisirwa kumiswa pamberi pedare nguva ipi zvayo.

Mutimba aiita basa rake uye akatoburitsa magwaro ake ebasa apo akasungwa nemapurisa.

KuBeitbridge mutori wenhau weNewsday, Rex Mphisa, pamwe neanotengesa mapepanhau kuZimpapers,Charles Marerwa varikutongwa nemhosva yekuti vakatyora mutemo une chekuita nekudzvivirira kupararira kweCovid 19 kunyange hazvo bazi rezvekuburitswa kwemashoko nedare repamusoro zvakati vatori venhau vanobvumirwa kushanda panguva ino nyika yakavharwa sevzo vachiita basa rakakosha.

KuChinhoyi, mumwe mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Nunurayi Jena ari pamberi pematare nekuda kwemhosva imwecheteyo. Svondo rino, mukuru wenhephenyuro yeZimpapers, yeCapitalk, Nyaradzo Makombe-Hazangwi akammbomiswa basa kwemasvondo maviri achinzi chirongwa chakabuda panhepfunyuro iyi pamusoro pekudzivirira kumbunyikidzwa nekushungurdzwa kwevanhu munyika chainge chisina kufambiswa zvakanaka.

Mumwe mutori wenhau, Ruvheneko Parirenyatwa anonziwo akamiswa basa kuZBC uko ange oshanda mubazi rezvekuburitswa kwemashoko. Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuvakuru vekukambani iyi kuti sei akamiswa basa.

Mukuru weMedia Institute of Southern Africa – Zimbabwe, VaTabani Moyo, vaudza Studio 7 kuti zvinosuwisa kuti vatapi venhau vari kushungurudzwa zvakanyaya panguva ino uye izvi hazvifaniri kunge zvichiitika.

Vati hurumende inofanira kushanda nevatapi venhau zvakanaka nekuremekedza kodzero dzevanhu kuna tsurudza chimiro chayo vachiti handi vatori venhau vanokanganisa chimiro ichi asi kuti muitiro wayo hurumende unokanganisa zvinhu.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rezvekuburitswa kwemashoko amai Monica Mutsvangwa vanzi vange vachishanya kuChinhoyi uye munyori mukuru mubazi ravo VaNick Mangwana vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG