Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yopinza Masoja Mumigwagwa Kuona Kuti Hapana Vanofamba Vasiri Kuita Basa Rakakosha


Mushure mekunge vanhu vanomwe vabatawa nechirwere checoronavirus munyika uye mumwe chete achibva ashaya neMuvhuro svondo rapera vanhu kutanga mangwana vanenge vomanikidzwa kugara mumba kana vasina basa rakakosha ravari kuita.

Pasi rose vanhu vanodarika zviuru makumi matatu vashaya nekuda kwechirwere ichi chakatangira kuChina chichibva chapararia nyika yose.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vaudza vatori venhau kuti i masoja achange ari mumugwagwa kuona kuti vanhu vatevera zviri kukurudzirwa nehurumende.

Amai Mutsvangwa vange vari muChinhoyi vachisangana nehutumgamiri hwebazi riri kuona nezvechirwere checoronavirus mudunhu reMashonaland West. Vatiwo vose vacharamba kutevera mutemo wekugara mumba uye wekuungana vacharangwa nemasoja.

Amai Mutsvangwa vayambirawo vedzisvondo kuti vatevedzere mutemo wekusaungana nguva yehoridhe reEaster nekuti vakatadza kuita izvi vachazvionera pamhuno sefodya.

Asi vati vatori venhau vanofanirwa kuita basa ravo semazuva ose zvisinei nekuti havana zvitupa zvekushanda zvegore rino kana kuti accreditation cards.

Vachitaura pamusangano mumwechetewo mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West Dr Wensilus Nyamayaro vati marori anotakura zvinhu achipfuura nemunyika anofanirwa kuongororwa kuti haasi kutakura vanhuwo zvavo.

Amai Mutsvangwa vazivisawo vanhu kuti vakarwara vari mudzimba vanofanirwa kuridza runhare panhamba dzinoti 2019 kuti vawane rubatsiro.

Asi mutauriri webato guru rinopikisa reMDC VaDaniel Molokele vati mauto anofanira kudzidziswa kushanda nevanhu kuti vasazopomerwe mhosva dzekutyora kodzero dzevanhu sezvinomboitika vakanzi vaende konochengetedza runyararo.

Mashoko aya atsinhirwa negweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga vanova mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchemhembe kweAfrica vatiwo .

Zvichakadaro, zviteshi zvemabhazi munyika yose zvaswera zvakazara vanhu vachiyedza kuenda kumisha yavo.

Pamisika yeMbare neMbudzi pange pakazara vanhu zvakanyanya. Asi vakawanda vakundikana kuenda kumusha sezvo michovha yange iri mishoma kana kuti yange yodhura zvakanyanya. Mabhazi eZupco ange achimhanyirwa nevazhinji ange achikundikana kutakura munhu wose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG