Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuvhura Bhodha reBeitBridge


Magonyeti ari paBeit Bridge
Magonyeti ari paBeit Bridge

Sangano rinomirira vanotenga nekutengesa kunze kwenyika, reInternational Cross-border Traders’ Association (ICTA), riri kukurudzira hurumende kuti iwane nzira yekuvhura divi rayo rebhodha paBeitbridge kuti nhengo dzaro dziwanewo chouviri.

South Africa yakavhura divi rayo rebhodha masvondo matatu apfuura asi Zimbabwe ikati ichambomira, ichiti haidi kuti chirwere cheCovid-19, icho chakange chave kudzika, chikwire zvekare.

Mumiriri weICTA pabhodha reBeitbridge, VaTinashe Mutemi, vaudza Studio 7 kuti zvinhu hazvisati zvachinja kubva zvazarura South Africa divi rayo rebhodha iri, vachiti kuramba kweZimbabwe yakavhara divi rayo rebhodha iri kwave kuremera vanhu vazhinji vemuZimbabwe.

Vati ICTA inokumbira hurumende kuti izarure bhodha asi ichidzika mitemo yakasimba yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Vati izvi zvinobatsira vanhu kuriritira mhuri dzavo asi vachitevedzera mitemo yakatauwa neWorld Health Organization.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemukati menyika Vakazembe Kazembe kuti tinzwe divi rehurumende sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG