Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kupa Bazi rezveHutano Mari Yakawanda muBhajeti


Vanorwira kodzero dzehutano vanoti dai Zimbabwe ichigara ichiremekedza chibvumirano chenyika dzemuAfrica, cheAbuja Declaration, icho chinokurudzira kuti zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana zvemari yebhajeti renyika, zvishandiswe munyaya dzehutano, zvinhu zvingadai zvisinganyanyonetsi mubazi iri sezvazviri kuita makore ose muZimbabwe.

Nyanzvi idzi dzinoti bhajeti rezvehutano rikagara richiwana mari sezvinodiwa neAbuja Declaration, zvinhu hazvizonyanyoomera nyika munyaya dzehutano munguya yematambudziko akaita sezvirwere zvinovhiringa nyika zvakaita sedambudziko rehutachiona hwe corona virus, uhwo hunokonzera chirwere cheCovid-19.

Sangano rinomirira vanachiremba vose munyika, reZimbabwe Medical Association (Zima), rinoti hutano hwakanaka ndihwo musimboti wehupenyu pamwe nehupfumi hwenyika.

Mutevedzeri wemutungamiriri weZima, Doctor Kudzai Masinire, vanoti hurumende inofanirwa kuzadzikisa chibvumirano cheAbuja Declaration kuitira kuti mari inenge yaiswa mubazi rezvehutano, ikwanise kuvandudza zvipatara, kutenga mishonga, kutenga michina pamwe nekuti nyika igare yakagadzirira kurwisa zvirwere.

Vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, uye vari munyori wezvehutano muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, Dr Henry Madzorera, vanoti nyika haisi kuisa mari yakakwana kubazi rezvehutano.

Dr Madzorera vanoti izvi zviri kubuda pachena nekumhanya mhanya kuti kuita hurumende ichiedza kugadzirisa zvipatara kuitira kuti zvibatsire vanhu vari kubatwa nechirwere cheCOVID-19 pamwe nekutsvaka vashandi vezvehutano.

Mutungamiriri we Zimbabwe Urban and Rural Nurses Workers Union, Va Simbarashe James Tafirenyika, vanotiwo hazvinakidzi kuti nyika itange kumhanya-mhanya kugadzirisa zvinhu kana zvinhu zvaipa sezviri kuitika pachirwere cheCovid-19.

Mumwe murwiri wekodzero dzehutano, Muzvare Joyleen Nyachuru, vanotiwo pamusoro pechirwere cheCovid-19, nyika inogara yakanetsekana nezvirwere zvemudumbu zvakaita secholera neTyphoid, nekudaro mapazi ezvehutano pamwe nezvemvura, anofanirwa kupihwa mari inoita kuti aite mabasa awo nemazvo nguva dzose.

Mumwezve murwiri wekodzero dzehutano, uye achitungamira bato rinopikisa, reLabor, Economists and Afrikan Democrats, Muzvare Linda Masarira, vanotiwo chirwere cheCOVID-19 chabudisa pachena kuti zvakakosha kuti zvinhu zvigare zvakarongeka munyaya dzehutano nguva dzose, kwete kuzomhanya mhanya nyika yanyura mumatope.

Muzvare Masarira vanotiwo zvakakosha kuti panoitwa sarudzo munyika vanhu vavhotere vatungamiriri vanokoshesa kodzero yehutano senzira yekugadzirisa dambudziko rezvehutano rakatarisana nenyika.

Kunyange hazvo Studio7 isina kukwanisa kunzwa divi regurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, kuti seyi vasingapi bazi rezvehutano mari iri muchibvumirano cheAbuja Declaration pavanoita bhajeti renyika, mumwe mushandi mukuru mubazi rezvehutano, Doctor Isaac Phiri, vanotiwo zvakakosha kuti pave nehomwe yakasimba yebazi rezvehutano kuitira kuti bazi iri rikwanise kurwisa zvirwere.

Doctor Phiri vanotiwo bazi ravo riri kudzidzawo kubudikidza nechirwere cheCOVID-19.

Kubva zvaitwa chibvumirano cheAbuja Declaration mugore ra2001, Zimbabwe haisati yambozadzikisa zvikamu zvinodiwa izvi.

Gore rino hurumende yakapa bazi rezvehuatno mari inoita madhora mabhiriyoni matanhatu nechidumbu, kana kuti 6.5 billion Zimbabwe dollars, semari ichashandiswa mune zvose zvinodiwa nebazi iri.

Mari iyi zvikamu gumi chete kubva muzana pabhajet rose renyika, iyo inova shoma pane zvinokurudzirwa neAbuja Declaration, iyo inoti Zimbabwe yaifanirwa kunge yakaisa mari isiri pasi madhora mabhiyoni mapfumbamwe nechidimbu, kana kuti isiri pasi pe 9.5 billion Zimbabwe dollars.

Asi dzimwe nyika dzemuAfrica dzakaita seRwanda, Malawi, South Africa, Zambia nedzimwewo, dziri kuremekedza Abuja Declaration, izvo zviri kuita kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinowana, zvipote zvichienda kunorapwa kunyika dzakaita seZambia, Malawi neSouth Africa, idzo dzakapoteredza Zimbabwe.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG