Masangano evemabhizmisi akaita seEmployers Confederation of Zimbabwe Industries neConfederation of Zimbabwe anoti nhengo dzavo hadzisati dzawana mari yekuAmerica yakavimbiswa nehurumende inosvika mamiriyoni mazana manomwe nemakumi maviri kana kuti US$720 million yekubatsira vakawirwa nedambudziko reCOVID -19 kana kuti Stimulus package.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa negurukota rezvamari Muzvinafundo Mtuli Ncube vakavimbisa mari iyi mwedzi mishanu yadarika asi kusvika parizvino hapana chabuda.
Mamwe mabhizimisi anonzi akatovharwa zvapa kuti huwandu hwevanhu vari kuda rubatsiro kubva kuWFP mumadhorobha huwedzere zvakanyanya. Hatina kukwanisa kubata Muzvinafundo Ncube sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.
Asi mumwe mukuru muhofisi yavo asina kuda kudomwa nezita ati hurumende ine chido chekubatsira asi haina mari yacho parizvino.
Mutungamiri weEMCOZ Doctor Israel Murefu vanoti nhengo dzavo hadzisati dzawana mari asi vachiti vachiri kuyedza kutaura nebazi rezvemari.
Facebook Forum