Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokundikana Kubatsira Vanhu Zvopa Kuti Vamwe kuMasvingo Vayaure neNzara


Kunonoka kwehurumende kuzadzikisa chivimbiso chayo chekubatsira vanhu vaizviitira mabasa emaoko kwave kupa kuti vamwe vanhu kuMasvingo vayaure nenzara vari mudzimba apo nyika iri kuyedza kurwisa chirwere checoronavirus.

Hurumende yakavhara misika yakawanda nemabhizimisi anozvvitira mabasa ikati vanhu vambogara mumba uye ichivimbisa kuvabatsira nemari.

Amai, Sungano Zvarebwanashe, vekwa Mucheke, vanoti vanokumbira kuyamurwa ne masangano anobatsira vekumaruwa nechikafu munguva dzakaoma nekuti havachina tarisiro yekuti hurumende ichavapa mari yakavimbiswa negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube.

VaNcube vakati vainge vaisa parutivi mari inosvika mazana maviri emadhora emunyika iyo isisinawo simba nekuderera huremu kwedhora remunyika uye kudhura kwezvinhu.

Amai Entrance Takaedza, vemumusha we kwaMajange, vanoti vanhu vazhinji vave kutadza kudya chero kamwe chete pazuva nenyaya yekushaiwa mari.

Vemasangano akaita seWorld Food Programe, Care International pamwechete nePlan vanowanza kubatsira vekumaurwa. Asi World Food Programme gore rapera yakatangawo kupinda mumadhorobha sezvo mange maita nzara inotyisa.

Mutauriri wekomiti yeCovid-19 Taskforce muMasvingo, VaRogers Irimayi, vanoti hurumende iri kuzama kushanda nemasangano aya kuti ibatsire vagari nezvekudya.

Gurukota rezvemagariro evanhu Muzvinafundo Paul Mavima vakaudzawo Studio 7 kuti hurumende ine hurongwa hwekubatsira vanhu mumadhorobha. Asi vakawanda vanoti muromo hauzarirwe nerwizi nekuti havana chavari kuona.

Zvichakadaro vamwe vagari vari kuchema chema kuti vamwe varidzi vezvitoro vari kuvarambidza kutenga zvinhu kana vaine mamask akagadzirwa mudzimba vachiti vanoda akatengwa muzvitoro.

Vagari ava vanoti zviri kuvashamisa sezvo hurumende yakabvumidza ma mask chero anogadzirirwa mudzimba, sesvo ekutenga achidhura uye achida mari yekunze. VaGerald Matumba, vanoti vakarambidza kupinda muchitoro mumusha weRujeko, vachinzi mask yekugadzirira haitenderwi.

Vamwe varidzi vezvitoro vataura neStudio 7, vanoti vari kuita izvi nekuti kwakabuda mashoko ekuti mamask ekugadzira mudzimba haadziviriri kutaurirana kwe coronavirus nemazvo.

VaAmbrose Manyuke vane chitoro kuRunyararo West, vanoti vanoda mamask anotenderwa nevebazi rezvehutano kwete emudzimba.

Asi VaIrimayi vanoti vanamuzvinabhizimusi vari kudaro vari kutyora mutemo wehurumende uyo unotendedza mamask ose chero akagadzirwa mudzimba, vachiti vachaongorora nyaya iyi. Mudunhu reMasvingo hamusati mave nemunhu abatwa necoronavirus kusvika parizvino.

Nyaya Ina Godfrey Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG