Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoendesa Mauto KuMapurazi Kunodzinga Varimi Vachena


Muchuchusi mukuru wehurumende VaJohannes Tomana vanoti mauto anopindira kana mutemo usiri kutevedzerwa.

Zvinonzi mauto atanga kuendeswa kune dzimwe nzvimbo mumapurazi kunodzinga varimi vachena vashoma vasara avo vanonzi vari kutsika madziro vachiramba kubva paminda.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti izvi zviri kuitwa kuburikidza nesangano reJoint Operation Command kana kuti JOC iro rine vakuru vemauto, vasori uye mapurisa.

Varimi vachena vakawanda vanoti vari kuoneswa ndondo nevatsigiri veZanu-PF mumapurazi kunyanya panguva ino yezororo.

Asi muchuchusi mukuru wehurumende VaJohannes Tomana vanoti havaoni chakaipa kuti mauto abvise vanhu vari kurambira pamapurazi. VaTomana vanoti vachena ava vanofanira kutevera mitemo yenyika vasati vati mavara angu azare ivhu.

Professor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika. Professor Makumbe vanoti zviri kuitwa nehurumende zvinokanganisa hurongwa hwekukwezva vemabhizimisi vekunze.

XS
SM
MD
LG