Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yodzika Mutemo Unoranga Vainoti Vanodaidzira Zvirango


Zimbabwe National Army
Zimbabwe National Army

Munyori mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaJames Manzou, vakaudza paremende neMuvhuro kuti vanotsigira hurongwa hwekuti nyika idzike mutemo unoranga vese vano kumbira kana kukuridzira kuti nyika yeZimbabwe itemerwe zvirango.

VaManzou vakataura mashoko aya apo vange vari kupa humbowo, kukomiti inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, pamusoro pechikumbiro chesangano reZimbabwe Anti Sanctions Trust, chekuti paramende idzike mutemo wekuranga vanhu kana masangano ano kurudzira kana kuita zvinhu zvinoita kuti nyika itemerwe zvirango zvehupfumi. Vati vanozvitsigira nekuti zvinopa kuti vanhu vasapandukire hurumende

VaManzou vati bazi rezvemutemo rave kutoumba mutemo unoranga vanhu nemasangano ano kurudzira kana kukumbira nyika dzekunze kuti dzitemere Zimbabwe zvirango zvehupfumi.

Asi vati kunyange hazvo vachitsigira mutemo wakadai, bazi ravo richaramba richiita nhaurirano nenyika dzakatemera Zimbabwe zvirango zvehupfumi vachiti nhaurarirano pakati peZimbabwe neEuropean Union dziri kufamba zvakanaka.

Vatiwo gwaro rakaburitswa nenhumwa yeUnited Nations, Amai Elena Dohan, avo vakashanyira Zimbabwe kwemazuva gumi mwedzi wapfuura, rakaratidza pachena kuti zvirango zviri kuvhiringa hupfumi uye zvinofanira kubviswa. Asi vakatemera zvirango izvi veEU neAmerica vanoti hazvisi kuzobviswa kusvika munyika mave nehutongo hwejekerere uye vanoti chauraya nyika kutadza kutungamira nehuori.

Mumiriri weChiredzi South muNational Assembly, VaCalisto Gwanetsa veZanu PF vati vanotsigira kuti pane nemutemo uyu.

Izvi zvatsigirwa nemumiriri weHurungwe East muNational Assembly VaTakundwa Masenda.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaFelix Mafa, vaudza Studio 7 kuti bato ravo rine kodzero yekutaura pfungwa dzaro pamusoro pezvirango negwaro raAmai Dohan.

Sachigaro wekomiti inoona nezvekudzana nedzimwe nyika, VaWebster Shamu, vati komiti yavo ichasheedza gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, kuti vazotsanangura kuti vave papi nekunyora bhiri rePatriotica Act.

Asi VaMafa vati kana Zimbabwe ikadzika mutemo uyu zvichaita kuti hukama hwayo nedzimwe nyika hurambe huchiipa.

Zimbabwe yakatemerwa zvirango zvehupfumi neEuropean muna 2002.

America yakatemerawo vamwe vakuru vakuru muZanu PF, hurumende nemamwe makambani nekuda kwenyaya dzekutyora kodzero dzevanhu, kuita sarudzo dzakasviba nezvimwe muna 2003.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG