Accessibility links

Breaking News

Hurumende yeAmerica Yobatsira Kurapa Madzimai Ane Chirwere cheGomarara.


VaDonald Trump

America inoti imwe yemari yairi kubatsira Zimbabwe kurwisa chirwere cheHIV/AIDS, pasi pechirongwa chePresident’s Emergency Plan for AIDS Relief kana kuti PEPFAR ichange yoshandiswawo mukuvheneka chirwere chegomarara rechibereko.

Vakafanobata chigaro chemumiriri weAmerica muZimbabwe Amai Jennifer Savage,vanoti vachangobva mukupa rubatsiro rwemamiriyoni zana nemakumi mashanu emadhora pasi pechirongwa chemutungamiriri wenyika yeAmerica chekurwisana neHIV/AIDS, PEPFAR vachitiwo mari iyi ichange ichizoshandawo mukuongorora gomarara rechibereko.

Amai Gay Nyakwende vanoshanda kumuzinda weAmerica kusimudzira chirongwa chePepfar, vati pasi pehomwe iyi mari inosvika mamiriyoni mashanu ichashandiswa mukuongorora gomarara rechibereko.

Vanotiwo America yave kubatsira munyaya yegomarara rechibereko mushure metsvagiridzo yakaitwa inoratidza kuti madzimai ane hutachiona hweHIV/AIDS vane mukana wakakura wekuita gomarara rechibereko.

Madzimai ataura neStudio 7 anoti anofara zvikuru kana mari yerubatsiro ichiendawo mukuongorora chirwere chegomarara.

Muzvare Rutendo Pfurudza vaudza Studio 7 kuti izvi zvichabatsira kuchengetedza hutano hwemadzimai akawanda sezvo vazhinji vasiri kuwana mari dzekunoongororwa gomarara nguva ichipo.

Chirongwa chePepfar chakatangwa nevaimbove mutungamiri weAmerica, VaGeorge Bush, muna Ndira 2003 chiine mari inoita mabhiriyoni gumi nemashanu emadhora ekurwisa HIV/AIDS, malaria, nerurindi.

Chirongwa ichi chakasimudzirwawo naVaBarack Obama apo vakaitawo mutungamiri uye VaDonald Trump avo vakatorawo chigaro chaVaObama ichi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG