Accessibility links

Breaking News

Hurumende naVanaChiremba Voyambira Vanhu nezveMushonga waVaMagaya weHIV


mishonga yeAntiretroviral (ARV)
mishonga yeAntiretroviral (ARV)

Bazi rezvehutano raburitsa mashoko kuvatori venhau richikurudzira vanhu vari kurwara nechirwere cheHIV/AIDS kuti varambe vachinwa mishonga yavo vachiongorora mashoko evamwe ekuti vakawana mushonga wekurapa chirwere ichi pamwe nechegomarara.

Bazi iri harina haro kudoma nezita Muporofita Walter Magaya vekereke yePHD Ministries avo vakazivisa nezuro kuti vainge vawana mushonga yemiti inowanikwa muMozambique neIndia yekurapa zvirwere izvi.

Bazi iri rati iro ndiro rinoongorora kukodzera kwekushandiswa kwemishonga kunyangwe yechivanhu pasi peMedicines Control Authority of Zimbabwe.

Zvichakadaro, sangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights-ZADHR- rinoti rapa VaMagaya mazuva matatu kuti vadzore mashoko avo ekuti vainge vawana mushonga unorapa chirwere chegomarara pamwe neAIDS.

Sangano ravana chiremba vanorwira kodzero iri rinoti VaMagaya vakatadza kuita izvi richavasungisa.


VaMagaya vakaudza nhengo dzechechi yavo nezuro kuti vakawana mushonga uyu vachishanda nevamwe vavo vanobva kunyika yeIndia.
VaMagaya vanoti zvakatora makore maviri etsvakiridzo kuti vawane mushonga uyu, uyo unogadzirwa kubva pamiti inowanikwa muno munyika nekunyika yeMozambique.


Asi sangano reZADHR rinoti zviri kuita VaMagaya hazvina kunaka sezvo zvichigona kukonzera kuti vateveri vavo nevamwewo vanhu vazorega kunwa mishonga yavakapihwa navanachiremba votevera zviri kutaurwa naVaMagaya izvi.


Mashoko aVaMagaya ashoropodzwawo nevanhu vakawanda munyika.
VaBigboy Manatsa vanoti kuita kwaVaMagaya kuchauraisa vanhu vakawanda vanovatevera.


Izvi zvinotsigirwa naVaElvis Karonga avo vanoti VaMagaya vanofanirwa kuzozvirova dundundu kana mushonga wavo wagamuchirwa nebazi rezvehutano munyika.


Mumwe mugari wekuKaroi, VaTinashe Mhazi, vanoti VaMagaya varatidza kuti havasi vemweya sezvo vave kushandisa midzi yen’anga nekudaro havafanirwe kuteererwa.


VaKaronga vanoti VaMagaya vanofanirwa kushanda nebazi rezvehutano votora vanhu vari kurwara nechirwere cheAIDS vovarapa zvonyatsowonekwa kuti vapora vasati vazvipembedza.


Asi mumwe mutendi VaRenius Rambanepasi vanoti vanhu vasakurumidze kusvora VaMagaya sezvo Mwari vachigona kushandisa munhu kuuya nemushonga wezvirwere zvisingarapike.

Bazi reNational Aids Council, NAC, rabudisa chiziviso chekuti vose vari pachirongwa chekunwa mapiritsi ekudzikisa hutachiwana hweHIV varambe vachinwa mapiritsi avo sezvavakataurirwa kumakiriniki nekuzvipatara.

Bazi iri razivisawo kuti hapasati pawanikwa mushonga wechirwere cheAIDS vachiti kana paine munhu anoti ave nemushonga wakadaro unofanirwa kuongororwa nanamazvikokota nekubvumidzwa nebazi rehurumende rezvehutano.

Pari zvino vanhu vanosvika miriyoni imwe chete nechidimbu munyika vari pasi pechirongwa chekunwa mapiritsi ekudzikisa utachiwana.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG