Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Iri Kushanda Zvakasimba Kudzivirira Korera


Hurumende inoti iri kushanda zvakasimbarara kuitira kuti chirwere chekorera chisanetse zvakare sezvachakaita gore rapera.

Gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, vanoti bazi ravo riri kushanda nemamwe mapazi ehurumende pasi pechirongwa che inter-ministerial coalition, kuitira kuti chirwere chekorera chisavhiringa vanhu zvakare segore rapera, iro rakaona vanhu vanodarika zviuru zvina vachifa nechirwere ichi.

VaMadzorera vanoti mapaipi matsva emvura ari kuiswa munzvimbo dzakasiyana siyana, kuitira kuti vanhu vawane mvura yakachena mudzimba dzavo, kwete kuti vamwe mvura yekuchera mumatsime.

Va Madzorera vanoti vari kufara nebasa raitwa mukugadzirisa nyaya dzemvura nezvimwe zvakadaro kusvika pari zvino.

XS
SM
MD
LG