Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Ichiri Kuremekedza Chibvumirano Chayo neNamibia


Hurumende inoti icharemekedza chibvumirano chiripo pakati peZimbabwe neNamibia munyaya dzemoto wemagetsi kuburikidza nekubvumidza kambani yeZESA kuti iendese magetsi kunyika iyi.

Svondo rapera bepanhau reThe Zimbabwean rakati gurukota rezvemhando dzemoto, Engineer Elias Mudzuri, vakanga vamisa kambani yeZESA kutengesera Namibia magetsi.

Asi VaMudzuri vakazivisa vatori venhau neMuvhuro kuti hurumende icharemekedza zvibvumirano zviripo pakati peZESA neNamPower, uye nyika dzekuchamhembe kweAfrica. Namibia yakabatsira Zimbabwe nemari yekumutsiridza gwenya reHwange, iyo Zimbabwe ichizobhadhara Namibia nemagetsi kwemakore mashanu.

VaMudzuri vaudza Studio7 kuti hapana zvati zvashanduka pamusoro pechibvumirano ichi, asi vatiwo izvi zviri kumbokanganiswa nekuti Hwange haisati yavakushanda zvakanaka.

XS
SM
MD
LG