Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inombomisa Chirongwa cheKudzidzisa Vanhu Vachaverenga Vanhu Munyika Yose


Hurumende inoti yambomisa chirongwa chekudzidzisa vanhu hurongwa hwekuverenga huwandu hwevanhu zvichitevera kupindira kwaitwa nemauto pamwe nevasori muchirongwa ichi.

Vakafanobata chigaro chegurukota rezvemari, uye vari gurukota rezvemakambani ehurumende, VaGorden Moyo, vati dare remakurukota rabuda neChipiri nechisungo chekuti kudzidziswa kwevachaverenga vanhu kumbomiswa sezvo paita vamwe vanhu vasingafanirwe kupinda muchirongwa ichi vanga vachinyoresa kupinda muchirongwa ichi.

VaMoyo vati vashandi vehurumende, zvikuru varairidzi, ndivo vanofanirwa kunge vachiverenga vanhu munyika yose.

Izvi zvinotevera mhirizhonga inonzi yakaitika munzvimbo dzakawanda munyika umo makaonekwa vechidiki veZanu PF vachidzinga vanhu vakanga vaungana kuti vanyorese pamwe nekupindira kwemauto nevasori.

Vanhu vanonzi vakadzingwa kuMwenezi kuMasvingo nevechidiki apo vanga vachinyoresa.

VaMoyo vatiwo vakatambirawo mashoko ekuti vasori nemauto vaimanikidza vanhu vainyoresa kuti vanyoreswe mazita avo kuitira kuti vazopindawo muchirongwa chekuverenga vanhu.

Mumwe murairidzi wekuMasvingo, VaTorerai Manungo, vati pavakaona vechidiki veZanu PF vodzinga vanhu, vakabva vabva panzvimbo iyi sezvo vasingadi kuona zvemhirizhonga.

XS
SM
MD
LG