Hurongwa hekuradzikwa kwemutumbi wevaimbove mutungamiri we America VaGeorge H.W. Bush avo vakashaya nemusi weChishanu manheru hwakaziviswa kune veruzhinji neSvondo.
Mazuva mana ekuchema VaBush anotanga nhasi ne kuungana kuchaita vanhu pa muzinda we Ellington Field Joint Reserve Base kuHouston.
Mutumbi waVaBush uir kusvikira paJoint Base Andrews kuPrince George’s County, Maryland vasati vaendeswa kuWashington DC.
Veruzhinji vanobvumidzwa kunoonekana naVaBush kubva na 7pm musi we Muvhuro kudare re U.S. Capitol uko kuchazorora mutumbi wavo kusvika musi weChitatu mangwanani apo kuchaitwa munamato wenyaradzo kuWashington National Cathedral na 11 mangwanani.
Kuri kutarisirwa kuuya mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump nevamwe vaimbova vatungamiri wenyika vanoti VaBill Clinton, mwana wavo akambotungamira nyika VaGeorge Bush, uye VaBarack Obama.
VaBush vanotarisirwa kunoradzikwa parutivi pemudzimai wavo Amai Barbara Bush nemwana wavo Robin avo vakachengetwa kuTexas.
VaTrump vakabudisa mashoko padandemutande ravo reTwitter nezuro vachiti VaBush vaive munhu akanga akanaka uye vachachemwa nevanhu vakawanda.
Sachigaro weMDC inotungamirwa naMuzvare Thokozane Khupe VaDen Moyo vanoti VaBush vairemekedzwa zviukuru nematungamiriro avaiita nyika yeAmerica.
Facebook Forum