Accessibility links

Breaking News

Human Rights Watch Yoendesa Gwaro reZvekutyorwa kweKodzero dzeVanhu muNyika kuUnited Nations


VaDewa Mavhinga
VaDewa Mavhinga

Sangano reHuman Rights Watch (HRW) raburitsa gwaro rinoratidza kutyorwa kwekodzero dzevanhu nemauto iro rati riri kuzoendesa kusangano reUnited Nations.

Izvi zvinotevera mhirizhonga yakaitika muZimbabwe muna Ndira apo mapurisa nemauto ari kupomerwa mhosva yekuuraya vanhu gumi nevanomwe, madzimai gumi nevanomwe vachinzi vakabatwa chibharo nevanhu vakange vakapfeka mbatya dzechiuto.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika, VaCain Mathema kana gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri.

Asi munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vati hapana chavangataure sezvo vasati vaona gwaro racho.

Hurumende inoti pane vanhu vaida kuipidigura ndokusaka yakashandisa mauto.

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio 7 kuti zvakaitwa nehurumende panguva iyi hazvisi pamutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG