Accessibility links

Breaking News

Magweta Anorwira Kodzeri dzeVanhu Oshushikana neMaitiro eMapurisa


Kumbirai Mafunda from the Zimbabwe Lawyers for Human Rights says is hopeful that the high court will release the activists on bail, June 3, 2019.

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, rinoti riri kushushikana zvikuru nedanho remapurisa muHarare rekushungurudza vana vechikoro vanomwe vepachikoro cheAllan Wilson, vachivati vaive nechekuita nemhirizhonga yakaitika muHarare musi wa 7 mwedzi uno.

Vakomana vashanu pavanomwe ava vanonzi neChina vakapawo mapurisa divi ravo panyaya iyi pamberi pemagweta avo pamwe nevabereki vavo.

Studio 7 yakundikana kubata mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare.

Asi mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda vanoti mapurisa azochinja achiti ave kuda kushandisa vakomana ava sezvapupu mushure mekunge amboti ari kuda kuvapomera mhosva yekuita zvemhirizhonga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG