Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaEmmerson Mnangagwa, Vokokwa kuBelarus


Zimbabwe President

Mutungamiri weBelarus, VaAlexander Lukashenko, vakoka mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vashanyire nyika iyi.

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa nemukuru muhofisi yemutungamiri weBelarus, VaViktor Sheiman, apo vakasangana naVaMnangagwa neChipiri muHarare.

Bepanhau reHerald rinoti VaSheiman vakapa VaMnangagwa chipo chebakatirwa chekuvatenda zvichitevera kusarudzwa kwavakaitwa, uye vachivatendawo nezuva ravo rekuberekwa riri kusvika musi waGunyana 15.

Belarus ne Zimbabwe dzine zvibvumirano zvehupfumi kubva zvakatanga apo VaRobert Mugabe vachiri pachigaro chemutungamiri wenyika.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vakazvimirira, VaRejoice Ngwenya, vanoti hazvibatsiri kuita hushamwari nenyika dzisinganyatsokuzivikanwa uye dzisina zvizhinji zvadzinobatsiara nazvo munyaya dzezvehupfumi hwenyika.

VaNgwenya vanoti Zimbabwe haina chimwe chete chainowana chinobatsira nyika kubva kuBelarus kunze kwekuvhura mikana yekuti vatungamiri venyika vawane kwekuitira huori.

Vanoti kubva kare mumazuva aVaMugabe kwaingoitwa zvibvumirano pakati penyika mbiri idzi zvairerekera kuBelarus.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG