Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau, Hopewell Chin'ono, Otarisirwa Kupinda Mudare neChina


Zimbabwe journalist Hopewell Chin' ono talks to the media following his release from prison, Sept. 3, 2020. Chin'ono walked out of Chikurubi Maximum Prison wearing his prison jersey.

Mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, uyo akasungwa zvakare nezuro achinzi akatyora zvaakatarirwa nedare kuti asaite paakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso, akatarisirwa kumiswa pamberi pedare neChina mushure mekupomerwa imwe mhosva itsva.

Chin’ono, uyo akasungwa nezuro manheru, aswera ari mumaoko emapurisa pakamba yeHarare Central, uko kwaanonzi apomerwa mhosva yekuzvidza dare.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vakaburitsa mashoko nezuro manheru ekuti Chin’ono ari kutaura nevanhu vekuNational Prosecuting Authority zvavanoti zvinokanganisa nyaya yake iri mumatare.

Rimwe remagweta aChin’ono, VaGift Mtisi, vati Chin’ono atarisana neimwe mhosva zvakare yekukanganisa mafambisirwo enyaya mumatare.

Vamwe vakagara naChin’ono kujeri reChikurubi vasati vapihwa vose mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yekunzi vakakurudzira veruzhinji kuti varatidzire munyika zvine mhirizhonga mukati, VaJacob Ngarivhume naVaJob Sikhala, vaudza vatori venhau kuti vari kushushikana zvikuru nekusungwa kwakaitwa Chin’ono.

VaSikhala vati kusungwa kwaChin’ono kunotyora kodzero dzake dziri mubumbiro remitemo yenyika.

Mukuru weMisa-Zimbabwe, VaTabani Moyo, vaudza Studio kuti kusungwa kwaChin’ono kunoratidza kuti vatori venhau havana kuchengetedzeka munyika.

Mukuru anoona nezvinoitika muAfrica musangano reCommittee to Protect Journalists, Muzvare Angela Quintal, vatiwo havatarisiri kuti hurumende yeZimbabwe ishandise mhosva dzayave kupomera Chin’ono senzira yekuti ikanzure zvakaturwa nedare pakapihwa Chin’ono mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG