Accessibility links

Breaking News

VaEmmerson Mnangagwa Vokwezva VeMabhizimisi kuIvory Cost Kuti Vauye Kuzovhura Mabhizimisi MuZimbabwe


Emmerson Mnangagwa
Emmerson Mnangagwa

Mutungamiriri wenyika VaEmwerson Mnangagwa neMuvhuro vakapinda mumusangano wevakuru vemakambani emu Africa we Africa CEO Forum uri kuitwa kwemazuva maviri ku Abidjan, kuIvory Coast.

Musangano uyu uri kuitwa veruzhinji vakatarisisa kuti VaMnagagwa vane shanduko yavari kuunza munyika here kubva zvavatora chigaro muna Mbudzi.

Vamwe vatungamiri vari kumusangano uyu vanosanganisa mutungamiri weLiberia VaGeorge Weah. VaMnangagwa vari kuenderera mberi nemharidzo yavo yekuti Zimbabwe yarerutsa mitemo kuti vekunze vauye kuzotanga mabhizimisi munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuti misangano iyi yakanaka chose asi mafambiro ari kuita VaMnangagwa anogona kupedza mari yenyika nekuti vanoti nzendo dzavo dzawanda sezvaingoita vaimbove mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaPersistence Gwanyanya vanoshanda ne sangano rePercycon Global Fund Managers vanoti hazvigoni kuti veruzhinji vaone shanduko munyika nechimbi chimbi kudai sezvo nyaya dze mari nehupfumi dzichida zvakawanda zvinosanganisirawo kugadziriswa kwemitemo inoita kuti vekunze vagone kuita bhizimisi munyika pasina zvimhingaidzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG