Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vanorarama neHIV/AIDS Votaura Zvavanoda


Vechidiki vanorarama nehurema vanoti havasi kufara nemabatirwo avari kuitwa muzvirongwa zvekuyedza kudzivirira HIV/AIDS, izvo vanoti zviri kukonzera kuti zvirongwa izvi zvisabudirire zvakanaka kune vakaremara.

Vanhu ava vanoti vanoda kuti hurumende nemasangano akazvimirira anoshanda muzvirongwa izvi varemekedzewo kodzero dzevanorarama nehurema muhondo yavo yekurwisa dambudziko re HIV/AIDS.

Mumwe wechidiki anorarama nehurema, Turkson Zimbudzana, anoti vanorarama nehurema vazhinji vavo havaremekedzwe pakurongwa kwezvirongwa zvekurwisa HIV/AIDS, sezvo vanhu vazhinji vasingafunge kuti vanorarama nehurema vanoitawo zvepabonde.

Zimbudzana, uyo akakwanisa kuenda kumusangano we 2012 International Aids Conference mu Washington DC mwedzi wapfuura, anoti haana kufara nekushomeka kwange kwakaita vanorarama nehurema pamusangano uyu.

Zimbaudzana anoti shuwiro yake ndeyekuti panorongwa misangano mikuru yakadayi pawanikwewo paine vanorarama nehurema vanopihwa zvinzvimbo zvepamusoro, izvo zvinoita kuti zvichemo zvavo zvinzwikwe nekugadziriswa pasi rose.

Zimbudzana, uyo ane dambudziko rekuva nheta makumbo, anoti zvanga zvisiri nyore kuti akwanise kupinda mumisangano yakakosha kwaari, sezvo yakange iri munzvimbo dzakasiyana siyana izvo zvaimuomera kuti asvike kunzvimbo idzi. Chimwe chinhu chinomurwadza inyaya yekuti haana kuwona vanorarama nehurema vakapihwa mukana wekutaura vakamirira vamwe vavo pamusangano we 2012 International AIDS Conference.

Anoti zvakare zvidzidzo zvizhinji zvakange zviri pamusangano uyu zvange zvisingatarisi matambudziko anosangana nevakaremara mukuyedza kurwisa HIV/AIDS.

Kunyange hazvo pane zvakawanda zvisina kumufadza, Zimbudzana anoti akadzidza zvakawanda kumusangano uyu, izvo achanoudza vamwe vake kumusha.

Imwe nhengo yesangano re Batanai HIV/AIDS Service Organisation, VaJoshua Mavundu, avo vakange vari pamusangano uyu, vanotiwo pane zvinhu zvizhinji zvinofanirwa kugadziriswa kuitira kuti vanorarama nehurema vawane izwi muzvirongwa zvekurwisa HIV/AIDS pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG