Accessibility links

Breaking News

High Court Yonyima Vamwe Vatsigiri veMDC Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


Dare repamusoro reHigh Court nechitatu rakarasa chikumbiro chenhengo
dzeMDC nomwe dziri kupomerwa yekuponda mumwe mupurisa mumusha weGlen View muHarare muna Chivabvu asi munhu mumwe chete ndiye abvumirwa kubhadhara mari yechibatiso.

Mutongi wedare repamusoro VaSamuel Kudya vakarasa chikumbiro chakasvitswa nenhengo sere dzeMDC dziri kupomerwa mhosva yekuponda mumwe mupurisa Inspector Petros Mutedza chekuti dzitongwe dzichibva kumba.Nhengo idzi dziri kuramba mhosva yadziri kupomerwa iyi.

Asi VaKudya vabvumidza munhu mumwe chete chete pavanhu ava, Muzvare Cynthia Fungai Manjoro, kuti vabhadhare mari yechibatiso. Vachitura mutongo wavo, VaKudya vati kanzura Tungamirai Madzokere nevamwe vavo vatanhatu havana kuwunza zvikonzero zvitsva kudare zvinoita kuti dare rivape mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo.

VaKudya vati hurumende yakataura zvisirizvo payakati Muzvare Manjoro vaive vasina mwana asi mushure mekuzoudzwa kwakaitwa tsamba dzekuzvarwa kwemwana kana kuti birth certificate remwana wa muzvare manjoro kudare nemagweta avo zvinoratidza pane chashanduka pane zvakambotaurwa na muzvare Manjoro pavakambokumbira mukana wekubhadhara mari yechibatiso vakanyimwa.

Vaenderera mberi vachiti vawona zvakakodzera kuti muzvare manjoro vabuditswe muhusungwa sezvo mwana wavo ane makore maviri achiri mudiki zvokuti anoda kuriritirwa naamai vake sezvo achinzi anga asara asina anochengeta.

Rimwe remagweta arikumirira vasungwa VaJeremiah Bamu vati vangangokwidza kudare repamusoro-soro reSupreme Court nyaya yekurambirwa kwaitwa va madzokere nevamwe vavo vatanhatu mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Vasungwa ava ndevamwe vevari kupomerwa mhosva yokuponda va mutedza mumusha we glen view muno muHarare muna Chivabvu. Vamwe vevasungwa ava vanosanganisira nhengo yeNational Executive muMDC, VaLast Maingehama, vakabvumidzwa nedare kuti vatongwe vachibva kumba kwavo mushure mekubhadhara mari yechibatiso.

Vasungwa ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa vachiti havana chavanoziva nezvekupondwa kwava mutedza uye MDC yaVaTsvangirai inoti nhengo dzayo dziri kushungurudzwa zvine chekuita nezvematonerwo enyika.

Zvichakadai, nhengo gumi nenhatu dzesangano rinorwira kuti munyika mucherechedzwe kodzero dzevanhu reRestoration of Human Rights, kana kuti ROHR, idzo dzakasungwa neChitatu dzichiratidzira padare reHigh Court dzichinyunyuta nekushungurudzwa kwenhengo dzeMDC idzi dzichiri muhusungwa kukamba yeHarare Central.

Gweta revasungwa ava VaGift Mutisi vati vasungwa ava vapomerwa mhosva
yekuita zvinhu zvisina maturo paruzhinji, kana kuti "public nuisance." VaMutisi vati vasungwa ava vangangobhadhariswa mafaindi asi pataenda pamhepo mafaindi aya anga sati abhadharwa.

XS
SM
MD
LG