Accessibility links

Breaking News

High Court Yambomisa Kutongwa kwaMuzvare Mamombe neVamwe Vavo Vaviri


MDC Trio In Court3

Dare reHigh Court nemusi weChitatu rakambomisa kutongwa kwemhosva iri kupomerwa nhengo nhatu dzeMDC Alliance Muzvare; Joana Mamombe, Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova, kuitira kuti ritange rapedza kuzeya chikumbiro chavo chekuti mejasitireti nemuchuchisi pamhosva yavo vabvisve sezvo vachiratidza kuti pane divi ravakarerekera.

Vatatu ava vanoti Amai Bianca Makwande nemuchuchisi wenyaya iyi, VaMichael Reza, vanofanirwa kubviswa panyaya iyi kuitira kuti iongwe nevanhu vanoita basa nemazvo.

Izvi zvava kureva kuti dare repamusoro richanzva chikumbiro chevatatu ava zvizere rozopa mutongo waro wekuti zvinokodzera here kana kuti kwete kuti Amai Makwande naVaReza, vabviswe panyaya.

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, iyo iri kumirira nhengo dzeMDC Alliance idzi, VaKumbirai Mafunda, vakaudza Studio7 kuti vari kufara nemutongo uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG