Accessibility links

Breaking News

Masarudzirwo eMunyori weGuta reHarare Oshorwa


Vagari vemuHarare
Vagari vemuHarare

Sangano reHarare Residents Trust rinoti vanhu vese vari kuda kusarudzwa kuve munyori weguta re Harare, havakodzeri kuita basa iri.

Mashoko aya anotevera kubviswa kwaVa Tapiwa Mashakada ve MDC-T pavanhu vatatu vari kufanirwa kukwikwidza kuti vapihwe basa iri.

VaMashakada vakabviswa negurukota rezvematunhu, Va Savior Kasukuwere, vachinzi vane chinzvimbo chikuru mubato ravo reMDC-T, pakasara vanhu vaviri vanoti munyori weGweru, Amai Elizabeth Gwatipedza na Doctor Cainos Chimombe, mumwe wevakuru vakuru mukanzuru yeHarare.

Mukuru we Harare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti vanhu vese vari kukwikwidza kupiwa basa iri havakodzeri sezvo vese vanezvipingamupinyi zvinoita kuti vasapiwa basa iri.

VaShumba vanotiwo VaMashakada havaisafanira kumbosheyedzwa kuzokurukura nezvebasa iri sezvo vari mumwe wevakuru kuru mubato ravo reMDC-T.

Nyanzwi munyaya dzemitemo yezvekutongwa kwemaguta, Va Kudzai Kadzere, vanoti bumbiro remitemo yenyika harina rusarura pavanhu vanoita zvematongerwo enyika vanenge vachida basa remunyori weguta.

HURUKURO NAVA PRECIOUS SHUMBA
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
1 kadzere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG