Accessibility links

Breaking News

Community Water Alliance Yobatsira Kurwisa Covid-19 muHarare


Community Water Alliance inobatsira nemishonga yekuzora mumawoko inodzivirira Coronavirus
Community Water Alliance inobatsira nemishonga yekuzora mumawoko inodzivirira Coronavirus

Apo nyika yakatarisana nedambuddziko remvura yakachena, rimwe sangano rinoshanda rakazvimirira, reCommunity Water Alliance, riri kupa mishonga inodzivirira kupararira kweCoronavirus mumisha inogara veruzhinji muHarare, umo veruzhinji vanopedza nguva yakareba vari mumitsetse yekuchera mvura vachiisa hupenhu hwavo munjodzi.

Vachitaura apo vapa ma sanitizers kune imwe komiti yevagari inoona nezvekuchengetedzwa kwezvibhorani muWard 43 muHarare, kana kuti Water Committee, vanoona nezvekufambiswa kwebasa muCommunity Water Alliance, VaHardlife Mudzingwa, vati vaona zvakakodzera kuita izvi sezvo vanhu vasiri kudzivirirwa kubva kuCoronavirus pazvibhorani muguta.

VaMudzingwa vati zvavaita izvi zvinoreva kuti munhu anenge azora mushonga chete ndiye anofanira kubata pombi pachibhorani kuitira kuti hutachiwana hweCoronavirus husapararira.

Vatiwo vane hurongwa hwekuti zvibhorani zvese muguta zviiswe pombi dzemagetsi anobva kuzuva kuitira kuti vakaremara varerukirwewo pakuchera mvura.

Muririri weBudiriro muNational Assembly, VaCosta Machingauta, vaudza Studio7 kuti zvaitwa neCommunity Water Alliance zvakanaka chose, asi vakati hurumende inofanira kupa makanzuru mari yekuti iwanise vagari mvura yakachena.

Vati kana izvi zvikaitika, hapazoita mitsetse pazvibhorani.

Kanzura weWard 43, VaNorman Makondo, vaudza Studio 7kuti kunyange hazvo Community Water Alliance iri kubatsira nekupa ma Sanitizers ekushandisa pazvibhorani, panodiwawo mamwe maSanitisers akawanda ekuti vanhu vashandise mudzimba.

VaMakondo varatidza kusafara nenyaya yekuti hurumende, pakatanga Lockdown, yakavimbisa kutsigira makanzuru nemari yekuti awanise vagari mvura, asi izvi hazvisi kuitika.

Imwe nhengo yeWater Committee kuBudiriro, Amai Eva Mashiri, vaudza Studio7 vanofara nezvaitwa neCommunity Water Alliance vachiti vange vatotanga kutora matanho ekudzvirira Coronavirus nekuona kuti munhu wese ageza maoko asati abata mapombi epazvibhorani.

Nyanzvi munyaya dzehutano dziri kukurudzira vanhu kuti vageze maoko nguva dzose pamwe nekushandisa maSanitiser kuzvidzirira kubva kuCoronavirus iyo yauraya vanhu vanodarika zviuru makumimanomwe nezvishanu pasi rose, kusanganisira Zororo Makamba uyo akashaya mwedzi wapera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG