Accessibility links

Breaking News

Guta reHarare Rotarisira Mibhedha Inodarika Mazana Matanhatu Ichashndiswa neVarwere veCovid-19


Parirenyatwa Hospital Ventilators1
Parirenyatwa Hospital Ventilators1

Hurumende inoti kutanga svondo rinouya dunhu reHarare richange rave nemibhedha mitsva inodarika mazana matanhatu muzvipatara zveveruzhinji, uye mibhedha makumi mana nemiviri ichange iri mibhedha yevaye vanorwara zvakanyanya kana kuti vanenge vaiswa muchikamu cheIntensive Care Unit, (ICU).

Izvi zvaziviswa nemutevedzeri wegurukota rezvehutano, Dr John Mangwiro, mushure mekushanyira zvimwe zvipatara zvichange zvichirapa varwere veCovid-19, zvakaita seParirenyatwa, Wilkins neBeatrice Infectious Diseases Hospital.

VaMangwiro, avo vange vaine gurukota redunhu reHarare, VaOliver Chidhau, vati vari kufara chose negadziriro iri kuitwa pachipatara cheParirenyatwa icho chichange chave chipatara chikuru chinorapa Covid-19 munyika yose.

VaMangwiiro vati pane zvinhu zvishomanana zvakatengwa kuSouth Africa zviri kusvika mukupera kwesvondo uye svondo rinouya, chipatara ichi chinenge chave kutambira varwere veCovid 19.

Parirenyatwa ichange iine mibhedha mazana mana nemakumi mashanu uye makumi maviri nemisere inenge iri yeICU.

Wilkins, iyo iri kurapa varwere veCovid 19, ine mibhedha makumi matanhatu nemumwe chete, mishanu iri yeICU.

Kana ichinge yapera kugadzirwa, Beatrice ichange yave nemibhedha makumi masere, gumi iri yeICU.

Dr Mangwiro vati chinofadza ndechekuti kuParirenyatwa neWilkims michina inobatsira varwere kufema kana kumaVentilators, atoveko.

PaParirenyatwa vashandi vange vari mushishi rekugadzira mipanda kuchikamu cheCovid-19 uye zvinhu zvizhinji zvatove muWard.

Vakuru vepachipatara ichi vati pane zvavakamirira kubva kuSouth Africa zvekuisa mumaTheatres nemaLabaoratories zvekuti svondo rinouuya chipatara ichi chinenge chave kurapa pamwe nekuvheneka hutachiwana hweCoronavirus,

Mukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Proper Chonzi, vaudza Studio7 kuti kunyange hazvo chipatara chavo cheWilkins chave kukwanisa kurapa varwere veCovid -19, vachiri kuda zvekushandisa zvakawanda.

Pavanhu vese makumi matatu nevanomwe vakakabatwa neCovid 19, makumi mashanu vakarapwa paWilkins, uye pavana vakafa, vaviri vakafira pachipatara ichi.

Pari zvino paWilkins pane murwere mumwe weCovid 19 ari pachipatara ichi.

Gurukota redunhu reHarare , VaOliver Chidhau, vati vangafara chose kana pakava nemibhedha inodarika chiuru yakamirira varwere beCovid -19 chete mudunhu ravo rese.

Kunyange hazvo zvipatara zviri kuhadzirwa kuti zvikwanise kurapa Covid-19, Dr Mangwiro vati kana chirwere ichi chikaparira zvakanyanya, vachashandisa nhandare dzenhabvu nemimwe mitambo, nezvivakwa zvakaita semachechi kurapira varwere veCovid-19.

Zimbabwe, senyika dzakawanda pasi rose, yakavharwa senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiona hwe corona virus, uhwo hunokonzera chirwere che Covid-19.

Kusvika pari zvino, chirwere ichi, icho chakatanga kuChina gore rapera, chabata vanhu vanodarika mamiriyoni mana nemazana mana ezviuru, uye chauraya vanhu vanodarika zviuru mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nezvisere pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG