Accessibility links

Breaking News

Amai Mtetwa Vorambidzwa neDare Kumirira Chin'ono


Hopewell Chin'ono Bail Application Hearing
Hopewell Chin'ono Bail Application Hearing

Dare ramejasitiriti remuHarare ratura mutongo wekuti Amai Beatrice Mtetwa vasamirire mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, panyaya yaari kupomerwa yekukurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati.

Mutongi wedare ramejasitiriti, VaNgoni Nduna, vatura mutongo wekuti Amai Mtetwa vamire kumirira Chin’ono vachiti mashoko avanonzi vakanyora padandemutande reFacebook, mashoko akazvidza dare.

Dare rinoti Amai Mtetwa vakanyora paFacebook papeji rakanzi “Beatrice Mtetwa and the Rule of Law” kuti Chin’ono musungwa wezvematongerwo enyika ndosaka akaunzwa kudare akaiswa ngetani dzemumakumbo.

Asi Amai Mtetwa vakaramba mhosva yavaipomerwa mudare vachiti peji iri rakagadzirwa naLorie Conway uyo akashanda naChin’ono mukugadzirwa kwefirimu raitaura nezvebasa ravo segweta vachiti havasi paFacebook uye peji iri nderaConway izvo zvakatsinhirwa naChin’ono mu hufakazi hwake pakanzwikwa nyaya iyi svondo rapera.

VaNduna vati mashoko aya akaita kuti pasi rose richemecheme nemabatirwo ari kuitwa Chin’ono. VaNduna vatiwo kunyange hazvo Amai Mtetwa vachiti peji iri harisi ravo, Amai Mtetwa segweta hombe vaifanira kukonzeresa kuti mashoko akanyorwa papeji iri abviswe sezvo peji iri rine zita ravo.

Mumutongo wavo, VaNduna vashorawo Amai Mtetwa nekuvanyorera tsamba yavakapawo muchuchisi wenyaya iyi, VaWhisper Mabhaudhi, yavati haina kuvafadza vachiti vaitaura kusafara kwavo nemafambisirwo aiitwa nyaya yaChin’ono mudare.

VaNduna vati havatarisiri hunhu hwakadai kubva kugweta rine mukurumbira saAmai Mtetwa.

VaNduna vakurudzirawo hofisi yemuchuchisi mukuru munyika, VaKumbirai Hodzi, kuti vatore matanho ekuona kuti Amai Mtetwa vamiswa pamberi pematare vachipomerwa mhosva yekuzvidza dare.

VaNduna vakurudzirawo sangano rinonyoresa magweta reLaw Society of Zimbabwe kuti ritore matanho ekuranga Amai Mtetwa.

Amai Mtetwa vati havasi kushamiswa nemutongo waturwa nedare uyu.

Amai Mtetwa vati vacharamba vachiita basa ravo rehugweta zvisinei nemutongo waturwa nedare.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reLaw Society of Zimbabwe, VaRichard Chidza, vaudza Studio7 kuti havana mashoko akawanda ekutaura pari zvino sezvo vakamirira kutanga vaona mutongo waturwa nedare.

Asi rimwe gweta uye vari nyanzvi munyaya dzezvemitemo, Muzvinafundo Lovemore Madhuku,vashora mutongo waVaNduna vakati pane mukana wakakura kwazvo wekuti mutongo uyu usendekwe parutivi nedare repamusoro.

Zvichakadai, Advocate Taona Nyamakura ndivo vave kumirira Chin’ono mushure memutongo waturwa nedare uyu.

Mushure memutongo uyu, Chin’ono abva atanga kupa hufakazi hwemamiriro akaita zvinhu kumajeri mudare muine magweta nemutongi chete zvichitevera mutongo waVaNduna wekuti Chin’ono ape humbowo hwake veruzhinji nevatori venhau vasingabvumidzwe mudare.

Chin’ono akatarisirwa kuenderera nekupa hufakazi uhwu mangwana pachikumbiro chekuti apihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso achiti pane zvashanduka kubva paakambonyimwa mukana uyu nedare.

Chin’ono ari kupomerwa mhosva yekunzi akakurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati musi wa31 Chikunguru kubudzikidza nemashoko aanonzi akanyora padandemutande rake reTwitter achitsigira kuratidzira kwakange kwashevedzerwa neboka riri kuzvidaidza kuti July 31st Movement iro riri kutingamirirwa naVaJacob Ngarivhume avo vari kupomerwawo mhosva yakafanana neyaChin’ono.

VaNgarivhume vakatarisirwa kudzoka mudare neChishanu apo pakatarisirwa kuturwa mutongo pachikumbiro chavo chekuti vatongwe vachibva kumba vachitiwo pane zvashanduka kubva pavakambonyimwa mukana uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG