Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoudza Muzvare Mamombe, Muzvare Chimbiri naMuzvare Marova Kuti Vaise Mapasipoti Avo Mumaoko eDare


TORTURED MDC ACTIVISTS
TORTURED MDC ACTIVISTS

Dare ramejasitiriti ratura mutongo wekuti mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Joanna Mamombe, nevamwe vavo vaviri, vasvitse magwaro avo ekufambisa kudare.

Vatatu ava, avo vanoti vakatochwa vari muhusungwa, vari kupomerwa mhosva yekutyora mitemo yakadzikwa nemutungamiri wenyika yeCovid-19 Regulations.

Vachitura mutongo wavo pachikumbiro chakasvitswa nehurumende chekuti zvakaturwa nedare pachikumbiro chevatatu ava zvivandudzwe, mutongi wedare, Amai Vongai Muchuchuti Guriro, vati Muzvare Mamombe nevamwe vavo vanoti Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Netsai Murova, vasvitse mapasipoti avo panokwana nguva dza 4 neChitatu masikati.

Vanziwo vadzoke kudare musi wa13 Nyamavhuvhu apo pakatarisirwa kuenderera mberi kwenyaya yavari kupomerwa.

Vatatu ava vakange vabhadhariswa mari yechibatiso uye kuti vazvipire kumapurisa kamwe chete mukati memasvondo maviri, asi vachuchisi vehurumende vakadzoka kudare kuti izvi zvivandudzwe vachiti vakawana runyerekupe rwekuti vatatu ava vanga vachida kutiza munyika.

Amai Guriro vati zvakakosha kuti vatatu ava vamirire kutongwa kwavo nokudaro vati vaona zvakakodzera kuti vabvume chikumbiro chehurumende.

Gweta revatatu ava, VaJeremiah Bhamu, vati vachakwidza nyaya iyi kudare repamusoro kuitira kuti vadzoserwe mapasipoti avo vachiti hapana mhosva yavanganzi vangatize kutongwa kwayo.

Zvichakadai, baba vaMuzvare Marova, VaRunesu George Marova, vati vari kushungurudzika zvikuru nekushungurudzwa kuri kuitwa mwana wavo pamwe chete nevamwe vaakasungwa ainavo.

Baba vaMuzvare Chimbiri, VaHenry Chimbiri, vati vari kushushikana zvikuru nemapurisa ari kuramba achishanyira mwana wavo nevamwe vari kuchipatara kwavari kunyange hazvo vatatu ava vakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nematare pamhosva yavari kupomerwa.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, kuti tinzwe divi remapurisa sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Muzvare Mamombe nevamwe vavo vanoti vakasungwa mwedzi wapera pa roadblock mushure mekuratidzira kunonzi kwakaitwa nevechidiki veMDC Alliance mumusha weWarren Park.

Kunyange hazvo bepanhau reHerald nemamwe masangano enhau akaburitsa kuti vatatu ava vaive mumaoko emapurisa, mapurisa akazobuda achiramba mashoko aya mushure mekunge vatatu ava vazowanikwa kuBindura vachiti vakatochwa vari mumaoko ehurumende.

Parizvino, vatatu ava vari kugara muchipatara vachirapwa zvichitevera kutochwa kwavanoti vakaitwa uku.

Asi hurumende kuburikidza negurukota rinoona nezvinoitika mukati menyika, VaKazembe Kazembe, inoti ichiri kuferefeta nyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG