Accessibility links

Breaking News

Vashandi veKanzuru yeHarare Voramba Kudzoka Kubasa Vachiti Zvichemo Zvavo Zvitange Zvagadziriswa


Harare City Council workers disinfect a bus terminal, in Harare, Zimbabwe, April, 1, 2020.
Harare City Council workers disinfect a bus terminal, in Harare, Zimbabwe, April, 1, 2020.

Vashandi vezvehutano mukanzuru yeHarare vanoti havasi kuzodzekera kumabasa kana vasina kupiwa mari dzemihoro nemari yekunze vachiti mari yemunyika yavari kupiwa iri kushaya simba zuva nezuva.

Mutungamiri weZimbabwe Urban and Rural Nurses Workers Union, VaSimbarashe James Tafirenyika, vati vashandi havachakwanisi kuraramisa mhuri dzavo, uye havana kana mari dzekufambisa kuti vaende kumabasa avo.

Mumwe mukoti wekanzuru, VaCharles Manyarara ,vatiwo vanoda kutambiriswa mari dzavaipiwa muna 2018 madhora emuZimbabwe asati adzoka.

VaTafirenyika vatiwo vashandi vari kugunun’una zvakanyanya nekusavepowo kwezvekushandisa pakudzivirira kuti vasatapurirwe nehutachiona hweCoronavirus vari pamabasa.

Sezvo vashandi vezvehutano vari kuramwa mabasa, kanzuru yeHarare yakavhara makiriniki ayo makumi matatu nematanhatu izvo zvasiya hutano hweveruzhinji huri panjodzi vamwewo vachiti makiriniki asara akavhurwa aya, ari kure navo panguva ino kufamba munyika kuri kunetsa sezvo nyika ichakavharwa senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCOVID-19.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vabvuma kuti makiriniki ari kushanda pari zvino matanhatu chete, kubva pamakiriniki anosvika makumi mana nemaviri pamwe nezvipatara zviviri zviri pasi pekanzuru yeHarare.

Mukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vabvuma kuti vashandi vari kuda mari yemihoro iri mari yekunze vakati kanzuru ichiri kukurukura nezvenyaya iyi.

VaChonzi vatiwo zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuzvipatara zvekanzuru vakati ishuviro yavo yekuti zvinhu zvigadzirisike pasati pave nekurasikirwa kwehupenyu kwakanyanya.

Vatiwo kanzuru yawanawo vabatsiri vane chinangwa chekugadzirisa matambudziko evashandi kuitira kuti vashandi ava vadzokere kumabasa.

VaChonzi vati pamusoro pemihoro, vashandi vari kudawo kushanda vaine zvakakwana zvinodzivirira kutapuriranwa kwechirwere cheCOVID-19.

Vashandi vezvehutano mukanzuru yeHarare vakatanga kuramwa mabasa mwedzi wapera vachiti vanoda kuti vapihwe mihoro yakakodzera, iri mumari yekunze, uye kuti vapihwe zvikwanisiro kana vari pabasa.

Zviri kuchemwa nevashandi vekanzuru ndizvo zviri kuchemwawo nevashandi vezvehutano muzvipatara zvehurumende avo vava nemazuva makumi mashanu nemanomwe vachiramwa mabasa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG