Accessibility links

Breaking News

Kanzura Kudzai Kadzombe Vanoti Musha Mukadzi


Mrs Kudzai Kadzombe
Mrs Kudzai Kadzombe

Kanzura anomirira Marlborough (ward 41) mukanzuru yeguta reHarare, Amai Kudzai Kadzombe, vanoti munhukadzi wese anopinda mune zvematongerwo enyika anofanirwa kusimba dzisunge, sezvo basa iri riine zvakawanda zvinoda kushinga.

Amai Kadzombe, avo vakapinda mukanzuru mushure mekusarudzwa gore rapera vakamirira MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, vanoti handi nyore kuti zvinhu zvifambe zvakanaka kumunhukadzi munyaya dzakawanda dzinosanganisirawo zvematongerwo enyika.

Kudzai Kadzombe
Kudzai Kadzombe

“Chokwadi hazvisi nyore kuve munhukadzi anenge achishanda pakati pevanhurume. Nguva zhinji unoona uchitarisirwa pasi, saka unotofanirwa kushinga pazvinhu zvaunenge uchiita nemoyo wako wese,” vadaro Amai Kadzombe.

Zvichitevera kusarudzwa kuti vave kanzura wewadhi 41, pakatanga kushanda kanzuru Amai Kadzombe vakasarudzwa kuva sachigaro wekomiti yekanzuru inoona nezvakatipoteredza, izvo zvinosanganisira mvura.

Vanoti sekanzuru vari kuedza nepavanogona napo pose kuitira kuti vagadzirise dambudziko remvura rakatarisana neguta renyika.

Asi vanoti kuti izvi zvibudirire, panofanirwa kuita muonera pamwe chete pakati pekanzuru yeHarare nemapazi ehurumende.

Amai Kadzombe vanobvuma kuti pane dambudziko guru rekuti mvura yemuLake Chivero icheneswe sezvo tsvina iri kupinda mumvura iyi yakawandisa zvikuru zvekukurira mishonga yekuchenesa mvura.

Semunhukadzi, Amai Kadzombe vanoti vakwanisa munguva diki kugadzirisa zvimwe zvichemo zvevanhukadzi vemunharaunda mavo kuburikidza nekuvandudza nzvimbo yekurapwa iri pedyo navo.

Amai Kadzombe vanoti vanhukadzi vanofanirwa kubatana, uye vasabvume kutyityidzirwa kuitira kuti vazvisimudzire muhupenyu hwavo.

“Musha mukadzi. Musha uno weZimbabwe, tisu madzimai. Ngatibataneyi, tibatsirane kugadzirisa nyika yedu kuti ienderere mberi,” vadaro Amai Kadzombe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG